Mutumwapavi Anosiya Hope Panzanga Yepfambi muKadoma


Ndakachiona ndashanya KuKadoma. Zvakaoma mufunge kuti ndakainda pane imwe yemisha inosvikira vaenzi  muguta iri. Zvandakasangana nazvo zvine nharo. Ndakademba kuti dai ndainge ndaregerei zvangu kuita zvokumuka rungwanangwana kubva kumba ndaigona kubata nguri dzangangu pasina dambudziko pane zvandakazobatiswa navashandi vepaimba inosvikira vaeni iyi. Ndichisvika zvakanzi kamuri ravo rimwe raiita $20, 00 pahusiku humwe ini ndokuti hapana chakaipa, zvino munopa munhu chimwe chii pamari yakadai, ivo ndokuti vanopa makondomu matatu chete, hapana kudya kwamangwanani pamari iyoyi. Ndakati kanha nazvo. Hongu semunhu aida hake kuita basa pandakanzwa kuti mukamuri mandaizorara hamuna TV ndakati patsvene,  asi somunhu asingadi kushaya nhau dzemunyika ndakarwadziwa. Ivo havatombozivi zvavo kuti nhau dzakakosha. Handizivi kuti sei vasina hanya nenhau? Ini ndinodzida nekuti dzinoita kuti ndive pedyo nezviitiko zvemunyika mangu. Zvino ivo vanenge vanoti zvavo zvose hazvina basa chakakosha ihope dzako namakondomu matatu panyika pano. 

Ndapinda mukamuri mandaive ndanzi ndimo mandaizorara ndakawana gumbeze riri pamusoro petafura yaiva nechemukona yemukamuri mandaizorara umu. Zvakandishamisa kuti sei gumbeze iri raiva patafura iyi kwete pamubhedha. Ndatarisisa pamubhedha wacho ndakazoona kuti mutsago waivepo wainge wakabvaruka. 


Mutsago wacho. Foto naTinashe Muchuri

Ndakabvunza vaya vainge vaenda neni kunondiratidza pekurara ivo ndokutoseka zvavo vachiti, ‘handiti imi chamunoda ndepekurara here? Muchange muchirara naniko nhai?’
Zvingasashamisawo kana iwe zvakadai? Ndakavati ndega. Ndokubva vati hamudi mumwe wekurara naye here? Ini ndokuvati ndamusiya kumba. Kuno ndauya kubasa kuzoshandira mhuri kwete kuzowana wekurara naye. Ivo ndokuti zvakanaka, chisarai murare hope dzakanaka. Vakabva vabuda mukamuri muya vachienda. Vaenda ndipo pandakasara ndoona mashura. Gonhi raiva risina kiyi.

Gonhi risina kiyi. Foto naTinashe Muchuri

Saka zvainge zvakangofanana nekurara panze. Ndiri mukati mekushushikana nenyaya yegonhi raiva risina kiyi ndakabva ndaona kuti fafitera raiva risina chekuti rivhare. Kana munhu aida zvake kupinda mumba umu ndirere aigona zvake kupinda pasina dambudziko agotora zvose zvaanoda ini ndiri kutsi kwehope.
Ndakabuda mukamuri mandaive ndanzi ndirare ndoenda kundotaura navaya vainge vandiratidza pekurara. Ndakawana vatova zvavo pakati pekudzipfodora.


Vashandi vachirova ngonono zvavo. Foto naTinashe Muchuri

 Chakandishamisa ndechekuti mukamuri  mavaiva vakarara maiva neTV neDVD Player.   Ndakaseka zvangu neshungu dzizere zvigumbu. Ndakavamutsa kuti vandiratidze imwe kamuri yakanaka. Ndakashamiswa ndichiudzwa kuti muri kutinetsa tinoda kumborara. Ndakaramba ndichiita nharo, ndokubva vazomuka. Takafamba tose kubva mune imwe kamuri kuenda kuenda kune imwe kamuri. Makamuri acho ainge akangofanana.  Ndakazongoti chiregai ndirare zvangu ndakasvunura.
Kuchiedza ndikati chiregai ndigeze ndiende kubasa. Muchimbuzi maive musina mvura. Izvozvo hazvina hazvo kunyanya kundinetsa nokuti ndaivawo neruzivo rwekuti mvura inonetsa muKadoma. Asi chakazondiomesa mate mukamwa mubhavha umo ndaizogezera. Chakandikona ndechokuti jira raivhara fafitera kuti munhu ari panze asaona zviri mubhavha, raive richibvumira munhu ari panze kuona zviri mukati.


Fafitera remubhavha. Foto naTinashe Muchuri

Izvi zvaireva hazvo kuti ndainge ndafanana nemunhu aenda kunogeza kurwizi. Ndakanetsaka nazvo. Rwendo rwangu kuKadoma rwakandipa mubvunzo asi ndiri mumubvunzo iwoyo ndakazoudzwa kuti pamusha uyu vaitotendera vanhu kuti vashandise kamuri randakashandisa iri kweawa imwe chete, vachiita zvavo zvapabonde. Ndakarohwa nehana, ndazoziva kuti musha uyu waitova zvawo nzanga yepfambi pane kuva musha unotambira vashanyi.    

Comments

  1. Asi unomboziva herev kuti muKadoma imomo mune goridhe zhinji...

    ReplyDelete
  2. Hongu ririko, asizve kunewo vanachigashiravaeni ivava vepanzanga iyi. Pamwe iyo ndarama iyi ndiyo inokwezva ava apa. Kuti ndiyo ingava nyaya yacho here nhai VaChidavaenzi?

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts