Zita ramai vangu raidaidzwa nderekutii?


   Madhuna asati auya, mai vaidaidzwa nezita rani? Mai vachipinda mumusha mavaizova muroora, vaitanga nekudaidzwa nezita remutupo wavo. Kana vachiera moyo vainzi MaMoyo. Kana vachiera mhofu vainzi VaChehera. Kana vachiera shumba, vainzi MaShumba kana kuti MaSibanda. Kana vachiera mbizi vainzi MaDhuve. Aya ose mazita okwavakabva. Kune dzimwe nzvimbo vaipiwa zita romunin'ina wemurume wavo kana zita rehanzvadzi yemurume wavo. Kana zita remuramu wavo riri Zvidzai, vaibva vadaidzwa kuti Mai Zvidzai, kana tete vachinzi Rumbidzai vaibva vanzi, Mai Rumbidzai. Apa ndipowo zvapo pavaizopiwa mazita ekwavakaroorwa. Zvakare vaizotora zita romwana wavo nemurume wavo mushure mokunge vaita mwana wekutanga. Kune dzimwe nzvimbo vaigona kuzoramba vachidaidzwa namazita iwayo nokuti mwana wacho aigona kuzopiwa zita rababamunini kana ratete.
Zvino vaiti  kana vakura, vaidaidzwa zvakare nemazita ekwavakabva. Kana kwavo kwainzi kwaShummba ivo vaibva vanzi Shumba. Vaitodaidzwa sezvinonzi mwanakomana wekumusha kwavo. Izvi zvaireva hazvo kuti taiva tisina dambudziko rekudaidza madzimai edu kuti chii, inova ndiyo nhamo yatava nayo nhasi uno mushure mekuuya kwavadhuna ndokutiudza kuti mudzimai anofanira kutora zita remurume wake achisiya rekwaakazvarwa. Izvi zvinova ndizvo zvava kutipa nhamo yokuti madzimai anhasi ati tava kuda kuti tisadonhedza mazita ekwatakabva. Zvakadaro izvo zvava kutorwa nhasi sekuti mudzimai atora zita rekumurume wake ambunyikidzwa nekuti abviswa mazikanirwe akwe ekubva pakuzvarwa. Asizve dambudziko ravapo nderekuti kana zvotaurwa zvinonzi zvakabva patsika dzedu. Tsika dzotukwa sekuti ndizvo zvataiva kare. Kana ndotarira ndoona kuti imwe nguva vamwe vanhu vanotukwa nenyaya dzisi dzavo.
sei vanhu vachipa vamwe vanhu tsika dzisi dzavo vachiti ndedzavo. Inyaya yekusada kutsvaka chokwadi here inokonzera kuti tizvituke nezvinhu zvatisina kutanga? Ko tinodii kutaura patakatangira kuresva mafambiro? Iyi ndiyo nyaya inondinetsa nekuti kwandakazvarwa vekwedu havambodaidzwa nemazita ekwavakaroorwa kunze kwekuti vachidaidzwa nemazita evana vavo. Kunyange varungu vakauya vakasandura mazita avanambuya vangu kuti rokuberekwa kwavo rigova rababa vasekuru vangu, asi vaidaidzwa nemazita ekumusha kwavo. Mbuya vakuru vainzi VaMukangare nokuti kumusha kwavo kwaiva kwaMukangare. Mbuya vadiki vainzi VaMabika nokuti vaiva vedzinza rekwaMabikasheche kuBikita. Izvi zvinondiita kuti ndisanetseka kana ndikahwa zvangu mudzimai achiti handidi kudaidzwa nezita rekwandakaroorwa asi kwandakabarwa. Hazvindinetsi uye hazvindishungurudzi nokuti kwedu haisi nyaya. Tsika yekwedu haipesanisi murora nezita rekwaakabva. Madhuna ndiwo zvawo akauya atiputsira hurungwa hwedu hwemazita hwakanaka. Zvino kana wazviziva, hazvifaniri kunetsa munhu kana madzimai nhasi achiti anoda kushandisa zita rekwaakazvarwa pamwechete nerekwaakaroorwa aya anonzi double barrel pachirumbi. Mai vangu vanoshandisa zita ravo pasina anopikisana nazvo. Iwe unofunga sei? Ichokwadi here? Kana dziri nhema ndpapi paunopikisana napo?Ngatikurukure tiwane chokwadi. Itsika yedu here kana kuti itsika yamadhuna?

Comments

Popular Posts