Mumwe nomumwe sabhuku sango rake remichero nemipuranga.



Masabhuku vatungamiri vemitunhu iri pasi pedunhu rasadunhu. Masabhuku ane vanhu vari pasi pawo. Masabhuku ndiwo anopa minda kuvanhu vari pasi pawo. Ndiwo anoganhura mitunhu yawo achiisa kuti kumwe ndiko kune hufuro, kumwe ndiko kunogarwa, kumwe kuri iko kunorimwa. Masabhuku ndiwo anopa vanhu pokuita man'adhi emubatanidzwa kana ayo emunhu wegawega.
Masabhuku, aya anohurongwa hwemitunhu yawo yekuti miti isangotemwatemwa. Vanokurudzira kuti vanhu vasatema miti. Nyaya yacho ndeyekuti vanoisa mitemo yekuti awanikwa achitema muti anosungwa nomutemo uyo unozomupa kuti aripe kwasabhuku. Kazhinji abatwa nemhosva anonzi abike mupeta unomwiwa noruzhinji pamwe nembudzi yeusavi inogochwa musi unobuda doro.
Dambudziko riripo nderekuti masabhuku anosimbirira iyi yokukurudzira vagari vemumitunhu yawo kuti vasatema miti, asi havavakurudziri kuti vasime miti. Mumatunhu mazhinji kunowanikwa kuti miti mishoma. Pamisha mizhinji hapana kana muti wemuchero. Pamisha mizhinji hapana kana muti wemapuranga. Matenga mazhinji ndeemiti yemisango. Matanga mazhinji ndeemiti yemusango.  Zvitinha zvekumatunhu aya zvinopiswa nehuni dzemiti yemusango. Miti yacho yavawo mishoma nokuti haikuri nokukurumidza.
Masabhuku anofanira kuva nehurongwa hwekuti misha mizhinji isimwe miti. Kana musha unenge wawanikwa usina muti unofanira kuripiswa sekuripiswa kunoitwa avo vanotema miti. Kana zvadai, vanhu vese vekumatunhu vachasima miti. Miti iyi inozopa maguta kumatunhu ose ayo mamwe acho anonzi anowana mvura shoma. Kana zvadai zvinobva zvareva kuti miti yava hupenyu kumhuri yose.
Pamusoro peizvi panofanirawo kuva nechirongwa chinonzi ndechasabhuku chokusima miti. Sabhuku nemutunhu wake anofanira kusima miti iyo inozoita kuti mumusha make musazongotemwa miti zvisina maturo. Miti iyi inozoshandiswa kuti masango adzinire miti. Izvi zvinozoita kuti nyika ive yakashongedzeka. Rudadiso rwayo rugounza mufaro kuvagari vayo. Vana nyanduri nanagwenyambira vagowana zvokurumbidza.

Comments

Popular Posts