Kana uchiti wandigona!

kunditi hauchandida
tuta twako udzokere kwawakabva
kunonhuwa nhamo neurombo
kana uchiti wandigona
kanganwa hako
nokuti ndabudamo
mukushungurudzwa newe
misi yose kufundumwarirwa
muromo wakaredzva sewemudhenge
sekunonzi ndakakumanikidza kuti ndide
kana ndakakutsvakira monya
izvo ndiwe wakati newako moyo ndinokuda
ini ndokuti wauya masikati ati ndionekwe
kwete kuita hweusiku kuvanza urema nemhindo
zvino nhasi kana uchiti wandigona
kuti tuta twako udzokere kwako
kanganwa hako
ndiri mbeva yapotswa neriva
ndiri mhembwe yapotswa neshato
kwauri handina chandichayemura
zvandaiyemura hazvipo
urirema remarema
munhu asingazivi kuti rudo kutaurirana
magudza kubvumirana
kutamba mutambo kuonera pamwe
kwete kuti zvandati ndati ndati
kukuudza matambire ako anorwadza
iwe muromo senguruve mumhino pfo-o
aiwaka iwe
kana uchiti wandigona
kanganwa hako
ndava shiri yapotswa neurimbo
ndiri tsuro yapotswa nedhibu
nokuti pauri chandingapembedza hapana
mabvi angu anga avakutosvuuka nokupfugama
ndichiti pada ungasanduka
ukavawo munhu wekutamba naye
mumba medu mukava nemufaro
mazino ako ndikaonawo achisekerera
kwete kuaona achiita kunge embwa pakuchenama
zvino zvawati ndiende
aiwa chokutendeukira kwauri hapachina
ndawana mufaro misodzi handichina
anochema ndewarasikirwa nemufaro
apererwa namarwadzo anopemberera

kune vose vanondinzwira tsitsi
dai vaikuziva hako
ingadai vasingarasi tsitsi dzavo
kuchema ini ndasununguka
ndabva mumukanwa mamupere mandanga ndakapaikwa
zvino kana uchiti wandigona
kanganwa hako
iwe ndiwe warasikirwa nepekupedzera utsinye hwako
zvino uchamuwanepi anotemwa nedemo achimira semuti?
ndaenda usare ugare!

Comments

Popular Posts