Publisher wangu haazivi contract yakanakira ini!

Ndini hangu napublisher wangu. Iye ane mari ini ndine nduri dzangu. Zvino tawirirana kuti iye atsikise nduri dzangu. Zvino kusvika parizvino iye haazivi contract yakandinakira. Anotarisa zvaari iye nemari yake. Anokanganwa kuti ini ndini ndakaveza nduri dzaari kuda kutsikisa. Anobva ati nokuti iye akaisa mari yokutsikisa saka kodzero dzenduri dzava dzake. Ini hapana chandinosara nacho kunze kwetumafri twaanogona kundipa kaviri pagore. Zvinoitawo hee nhai vehama zvinhu zvakadai? Zvino ndondosiya vana vangu pamusha unochengetwa nherera here ini mubereki wavo ndiripo? Hunzi handigoni kushandisa nduri idzi pane zvipi nezvipi ndisina kunge ndakumbira iye mutsikisi uyu. Asi uone nduri dzangu dzacho dziri mukati majakatira ravamwe? Panoitwa sei pakadai nhai hama? Pamwe ini ndini ndoda kuita makaro. Dzorai hama ichipedo.

Comments

Popular Posts