Tshumo- Shumo dzinopokana nedzinowirirana

Ravirai chidimbu chizviri mugapu remunyori wemutauro waamai uno. Tati tigoverane zvishoma kubva muzana rezviuru rezviri pachoto. Ko, zvingaipa here kugoverana fuma yematambidzanwa yatiri kuvandudza kuti igova kudya kwakanakira kuvaka njere dzerudzi runouya. Pano padandaro revaShona neavo vanoda kuziva zvavaShona.



Dzinopokana


1. Murombo haarovi chine nguwo

Inopokana nedzinoti;

·         Svosve rakatuma nzou
·         Svosve rakariga nzou
 2. Kashiri kasingapambari hakanuni

Inopokana neinoti;
·         Garwe haridyi chebamba, charo choza neronga
 3. Chara chimwe hachitswanyi inda

Inopokana nedzinoti;
·         Mbeva zhinji hadzina mashe
·         Mambeva mazhinji haana marise

4.  Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa
Inopokana neinoti;

·         Kubaya tange hama vatorwa vakutye
       5.   Aiva madziva ava mazambuko, aiva mazambuko ava madziva

Inopokana nedzinoti;
·         Chaitemura chava kuseva, chaiseva chava kutemura
·         Chaikanya chototsa chaitotsa chokanyawo




Dzinowoirirana


1.       Abara achena mwoyo

·         Abereka atochena mwoyo
·         Akazvara sekera muchitende
·         Wabara sekera munyasi medengu
·         Wabereka sekera muchitende
2.      Abva zunde haachadyiwi navashe
·         Wabva gwindingwi haachadyiwi namadzishe
3.      Afa Afa nemuromo wake
·         Wafa wafa nomuromo wake
·         Warara warara nemuromo wake
4.       Aiva madziva ava mazambuko
·         Aiva madziva ava mazambuko, aiva mazambuko ava madziva
·         Bvupa jena rakabva munyama
·         Chinokura chinokotama, musoro wegudo chava chinokoro
·         Chinokwegura chinokotama, musoro wegudo chave chinokoro
·         Kwava kusakara kwaro doo serisakadyiwa nyama
            ·         Kwava kusakara kwedoo serisakadyiwa nyama
5.      Afa nemaronda enyora haachemwi
·         Afira nyora haachemwi


@ngatidzidzeishonatiinatinashemuchuri

Comments

Post a Comment

Popular Posts