Toitei nehumbowo hwakakosha kudai?

Mugore ra1979 zvinonzi pataundishipi yepaRupiri pakaita hondo pakati panamukoma vaitungamirirwa namukoma James Takawira nemauto eRhodesia. Hondo iyi yaiitika, zvinonzi ivo mukoma James Takawira neboka ravo vakafira pachiitiko ichi. Vamwewo vanhu vaviri vanonzi vakabatanidzirwa pachiitiko ichi zvakare. Hondo iyi inonzi yakatora nguva refu zvikuru izvo zvakaita kuti mauto eRhodesia ashandise mauto emuchadenga pamwechete neepasi. Ndipowo patakaonera vanhu vemunharaunda iyi ndege dzechiuto. Zvinonzi vanamukoma vakagona kuuraya mauto eRhodesia aisvika makumi matatu namatanhatu. Uku kutaura kwavanhu vemunharaunda yepaRupiri taundishipi. Zvinonzi mushure mekunge vanamukoma vaurayiwa, zvinonzi mauto akabata vamwe vanhu vemunharaunda iyi kuti vandoona vanamukoma vachipiswa kuitira kuti vasazodazve kubikira vana mukoma. Zvino zvadaro, zvinonzi pakapiswa mutungamiri wana mukoma ava uyo ainzi James Takawira, zvinonzi mauto eRhodesia haana kuziva kuti mukoma ava vainge vakasonera mbumburu mumipendero yehanzu dzavo idzo dzinonzi pavakaiswa mumoto dzakaputika ndokukuvadza vamwe vanhu zvakare.
Iyo hondo iyi yakasakisa kuti pataundishipi parupiri patamwe. Mufananidzo uyo uri pamusoro ndewechigayo chainge chiri panzvimbo iyi icho chaimenya nzungu, nyimo nokugaya hupfu. Zvitoro zvenzvimbo iyi zvaifambiswa nezita rekuti Harmony. Paivawo nebhawa nechitoro chekutengesa zvekushandisa mumba. Asi zvose izvi hazvina kuzoshanda kubva musi waitika hondo iyi. Vanhu vainge vofamba nzendo kuenda kunogaisa kwaChpfunde kuchigayo, kwaChivamba kana kwaMakambe. Midhuri yose yainge yakavakwa apa hapachina nekuti vamwe vanhu vakazotanga kuvaka zvitoro zvavo apa vakatora zvidhina zvainge zvasara pamatangwaza okusiiwa muhondo aya vachivakisa zvitoro zvavo. Nhasi uno simbi idzi ndiwo chete mucherechedzo wekuti paRupiri painge pane chigaro uye chitoro nebhawa. Imwe nzvimbo yose yaiva apa yatovawo minda yavanhu vanogara nokufambisa mabhizimisi panzvimbo iyi. 
Zvakadaro hazvo, toita sei nenhoroondo yakakosha kudai? Zvakare pane zvimwe zvinhu zvisingataurwi navanhu asi zvakakosha? Vana vanokura nhasi uno havambozivi kuti simbi idzi mucherechedzo wei? Ndianiwo angakwanisa kuchengetedza nhoroondo yakakosha kudai achiita kuti vamwe vanhu vanozokura vachiziva zvakaitika mumusha mavo?
 

Comments

Popular Posts