Shangu Dzasekuru

Ndakadzipfeka vanhu vose vanonditendeka neminwe
ini ndoshaya kuziva zvavanoreva
ndongoita mafunga mafunga mumwoyo
kuti vanoti dzakakurisa kwandiri here?
kuti vanoti handisi kugona kudzichengetedza sasekuru vangu here?
kuti vanoti ini ndinenge ndinodzigona kudarika sekuru vangu?
kuti vanoti dzakademana neni kudarika zvadzaiva kuna sekuru vangu?
zvino vanoti chii?
kushayawo umwe zvake anondiruma nzeve
kuti ndizive kuti vanhu vari kutii?
Kushayawo zvako anoda kundipawo damba
kuti ndizive kuti ndiri mugwara here?
vanhu vose zvavakangomira vachitendeka minwe kwandiri
chete havazivi havo kuti ini handisi sekuru vangu
dzasekuru vangu ndakadzipfekawo zvangu kuti ndidzinge chando
ndakadzipfekera kudzivirira mihwa
ini ndichiunganidza makobiri ekutenga dzangu
dzangu dzandichati kana ndoridza vose vanonyemwerera
kana kusuwa futi
nokuti dzinenge dzava dzangu
kwete dzasekuru vangu dzamunoti kana ndadzipfeka
vose vonditendeka neminwe
kunge vanoti handiwo maitiro aitwa nasekuru vako aya!

Comments

Popular Posts