Mutumwapavi anotadziswa hope namakoronyera!




Hameno kuti muupenyu zvinhu zvinodarireiso! Ndini ndapedza basa zvakanakanaka kwakuenda kumba kuti ndindoitawo baba vakanaka kuwana mwana namai vakasvinura.  Koka kuti mwana amhanye achisheedzera kuti, ‘dady, dady, dady,’ achiuya kuzonditambira. Ini ndigomuti sumudzei nemaoko maviri kumuunza kuchipfuva iye achisheedzera kuti,’mauya-a!’
Zvino ndisati ndati nokugarisika kose ndipo pandakanzwa nharepandiri yarira. Payakarira ndokuitora muhomwe mayaive. Ndakaidaira. ‘Maswera sei tezvara?’ ndakadaro apo ndainge ndaona kuti munhu ainge andichaira panharepandiri yangu aive tezvara wangu uyo aivaka imba yemukoma wangu aive diaspora. ‘Ndaswera zvakanaka Mbizi,’ vakadaro tezvara vangu. ‘Ndatenga zvidhina zvemukoma wenyu zvekuvakisa imba. Zvino kambani yezvidhina haitakuri zvidhinha zvachoaswera zvakanaka Mbizi,’ vakadaro tezvara vangu. ‘Ndatenga zvidhina zvemukoma wenyu zvekuvakisa imba. Zvino kambani yezvidhina haitakuriri munhu atenga zvidhinha zvake. Zvino ndazonzi ndione umwe mukomana kuno anotakura ane motokari inotakura zvidhinha. Mukomana uyu ndataura naye ndokuti pazvidhinha zvangu zviuru gumi aizenge achida madhora mazana maviri ($200, 00) yemota neyekubhadhara vachazokwidza nekuburutsa zvidhinha zvacho. Ikoko ndamupa zana ramadhora sechibhatiso chekuti andiitire basa iri. Vasvika pamba ndamupa rimwe zana. Zvino iye ayenda ndipo panosara vanga vachiburutsa zvidhinha nomuchairi voti havana kunge vapiwa mari yavo. Zvino vanoti pamari yavo yasara vanoda kutakura zviuru zviviri zvezvidhinha (2000) kuenda nazvo somuripo wavo.  Topaita sei, Mbizi?’ Vakadaro tezvara wangu achiratidza kukahadzika.
‘Regai ndiuyeko sekuru. Ngavasabva ipapo ndisati ndasvika,’ ndakavadaro ndichipinda munzira kuenda uko vainge vari kuGlaudina. Ndakazonzwa kuti ndainge ndabuda ndisina kutakura jazi apo chando change chondibvunza kuti mutupo wenyu unonzi ani changamire. Ipapo ndainge ndatova zvangu kusvika kuGlaudina kubva kunoperera makombi muKuwadzana Extension. Ndakangoti kuchando rova hako, tichinopedzerana nesvutugadzike ndadzokera kumba.

Ndakasvikowana muchairi navakomana vatatu vaaifamba navo vari mubioshi kudzorera zvidhinha mugonyeti ravo. Ndakaseka zvangu, kunge ndaive ndisina kusungwa ndare mundangariro dzangu. Handina kuda kuita hasha navo zvangu. Ndakangoti kumuchairi, ndiudzewo nyaya yako. Iye ndokuti, ‘umwe wenyu ndiye akanganisa. Haafanira kupa munu waapa mari isu tisati tapedza kuburutsa zvidhinha. Ini handina kupiwa mari yemotokari yekutakura kwandaita zvidhinha zvenyu. Avawo vakomana vanga vachiburutsa zvidhinha Havana kunge varipwa dikita ravo. Saka isu hapana chatinogona kuita sezvo mukomana ataura nesu atiza, tava kutora zvidhinha  zvcenyu semuripo wemari yatanga tichifanira kuwana.’
Ndakamubvunza ndoti, ‘nhai muchairi, munhu akudaidza unomuziva?’
‘Hongu,’ akadaro.
‘Pawasumuka hauna kumbopiwa mari here?’
‘Ndapiwa madhora makumi maviri nemana emafuta egonyeti, ndikanzi imwe ndichapiwa kana ndasvitsa zvidhinha zvenyu.’
‘Ko zvidhinha zvangu zvawavakutora ndini ndakupinza basa here?’
‘Kwete, asi kuti ndiyo nzira chete yandinogona kuwana muripo wangu nayo.’
‘Zvisinei, kana wati unoda kutora zvidhinha zvangu handei kukamba tindopedzerana ikoko. Mutsa motokari yako tiende,’ Ndakamudaro.
Iye ndokuramba achiti hazvaiita kuti aende nemotokari yake kukamba yamapurisa. Ndakamuti zvino kana usingadi siya zvidhinha zvangu nokuti iwe unozivana nomunhu akupa basa, iye ndokuti tana kuramba. Ndakaenda kukamba kepaKuwadzana Extension ndichiti nditorane nemapurisa wanei hapana kana umwe aripo. Pamwe vainge vapinda mumisha kundotora vasungwa. Ndakaramba ndonetsana naye kusvika ati ava kuchaira nhare kumukuru wake. Mukuru wake ndokubava ati aida kuti motokari yake isasvika kumapurisa. Asi aida kutora zvidhinha zvangu. Ndakaramba ndichiramba kutaura kwake kusvika aona kuti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka. 
Pataikakavadzana nguva dzaidyana. Painge patova pakati peusiku apo muchairi akazoti akusiya motokari pamba pomukoma wangu. Akabva akumbira kuchengeterwa mabhatiri ake. Aenda ndipo pandakazoona kuti motokari iyi yaive isin mutero zvakare yainge isina kunyoreswa patsva nokuti yainge isina numeri dzamazuvano kanapo idzo dzakare. Ndakaseka, ndokuona kuti aya aiva makoronyera ainge ajaira kubira vanhu zvidhinha zvavo. Pane kuti vsiye zvidhinha zvinosvika chiuru vanototi vabe zvidhinha mazana maviri kuitira kuti vagozotengesera mumugwagwa. Zvino vakawana pane vanhu vakangwara ndokuti zano nderipi, regai tiite kunge tamarana. Asi hazvo hazvina kuzoita sekuda kwavo. Mangwanani asvika ndakazongoon shasha dzodzikisa zvidhinha ndisina chandabvisa.
Pandabvunza muchairi anditi, ‘ndaona kuti, motokari ndeyebasa saka haingaregi kuita basa. Tichaonana namunhu wekutiza nemari nekuti tiri mubasa rimwe chete.’    

Comments

Popular Posts