Mhirizhonga yemumba............!

Nyaya yemhirizhonga mudzimba yavikira chose munyika yeZimbabwe. Nguva zhinji mhirizhonga dzemudzimba dzinoguma dzaba upenyu hwavanhu. Mhirizhonga idzi dzinonyanya kudya vanamai navana. Vana vasina chavakatadza vanomedzwa nemhirizhonga yavasina kuvamba. Mhirizhonga iyoyi zvakare inobatanidzira zvipfuyo nemidziyo yepamba. Zvose zvinodzimba nayo. Hapana chinosiiwa pamarwadzo emhirizhonga yemudzimba. Zvikonero zvemhirizhonga yemudzimba zvakawanda zvikuru, asi handisi kuda kumhanya naizvozvo nokuti ini ndinoda kuti nditaure nokuti mhirizhonga iyi yaigadziriswa sei munguva yekumashugre uko vanhu tisati tatanga kugara rumwe rumwe kure nevemadzinza edu.

Kare zvaiti kana mhirizhonga ichinge yaiitika mumusha. Musha waigara dare nanyakuita mhirizhonga uyu. Kazhinji vaiva varume avo vairova madzimai avo. Zvino zvaiti kana zvadai, musha waigara dare rekutonga murume arova mudzimai. Pose pairobwa mudzimai nomurume wake, murume airipiswa. Aiti kana akarova mudzimai zvokumubvisa zino,aibvisiswa mombe. Dzimwe mhirizhonga dzakafanana nokunyimana bonde dzairipiswawo mbudzi zvichidaro. Madzimai pane misha iya ina varume vane ruoko rwegudo vaipedzisira vava ndivo varidzi vedanga, murume dzake dzapera nokuripa.Mudzimai aive asingafaniri kurobwa. Mudzimai ndimambokadzi, uyo anouya mumusha kuzokudza dzinza rekwaaroorwa. Mudzimai akakosha zvikuru mumusha maaroorwa, ndiko saka varume vaiva vasina pfuma vaishingirira kutema ugariri kwemakore manomwe pasina kana mombe imwe yavaizoenda nayo kumusha kwavo, asi kuri kutsvaka munhu akakosha muupenyu hwavo uyu. Vamwe vaitondopfudzira mombe pamisha yavangu apo vaipiwa mombe pagore kusvika dzakwana dzokundopa danga kuvakarabwa. Izvi zvaireva kukosha kwemudzimai.

Saka nokudaro mudzimai aiva munhu akakosha. Kana kuri kuridzi rwekwedu, mudzimai aichengetedzwa zvokuti aisafanira kupinda mumunda kundotsva nezuva nokuti aizopera runako. Zvino kana runako rwapera murume ozoita mafungafunga zvinozopa kundotsvaka mumwe mudzimai. Zvakadaro hazvo hakuna mudzimai wechipiri aiuya mumusha mudzimai wekutanga asina kunge aziviswa uye atenderana nazvo. kunyange murume aida kuroora umwe mudzimai, haaibvumidzwa kungoerekana auya nomudzimai wacho mudzimai mukuru asingazivi. Izvi kana zvaiitika, murume airipiswa mombe, kutsiva kukanganisira kwaanenge aita mudzimai wake. zvazvaita ndezvekuti murume kana oda mudzimai wepiri aitotuma hanzvadzi dzake kuti dzitaure nomudzimai wake kuti abvume kuti atore mumwe mudzimai. Zvakare mudzimai ndiye aiudza murume mudzimai wekutora. Izvi zvinoreva kuti mudzimai aiva nesimba rokusarudzira murume wake mudzimai wechipiri wakamunakira. Zvakare mudzimai wechipiri wainzi anotumwa semwana nomudzimai mukuru. Iye ndiye akatanga kusvika pamusha sakani ainzi aterere kubva kuna vahosi. hurungwa uhu hwaikonzera kuti kusava nemhirizhonga yakanyanya seyavako mazuva ano inosakiswa namabarika aya.

Zvaitiwo kana madzimai akarwa kana kupumhana huroyi, dare remusha raiti dzakadai dzoda vabereki vemadzimai varipo avo avizotaurira vanasikana vavo kuti varipane. Kana zvanzi mudzimai aripe mhosva yaakapara, aisatora pfuma yemurume wake, asi kutoti aishandisa pfuma yake yaakaita nokuruka seme, kuumba hari, mbuya nyamukuta, kubva mutengesa mbeu dzemutseu yake kana kutoinda kundotora kwaakabarwa kana iye pachake asina pfuma. Izvi zvaiitirwa kuti kana akabhadharirwa muripo nemurume wake haaizoona kurwadza kwazvo, nokudaro aizoenderera mberi achiita mabasa asina maturo mhirizhonga igoramba ichingoitika mumusha umu. Zvino kana vabereki vakavawo munyaya iyi vaizobatsirana nokwakaroorwa kudzora hasha idzo dzinopinza munhu mumhirizhonga.

Mhirizhonga kana yakurisa zvokuti mumhuri yakundikanwa kugadziriswa, yaiendeswa kwasabhuku. Sabhuku kana vakundikana vaiikanda kwasadunhu. Zvino sadunhu vaitadza vaiiendesa kwamambo. Mambo ndivo vaiva vekupedzesera kutonga nyaya dzakadai. Asi kana mwana atadzwa kutongwa mumusha kare vaiva netsika yekuramba munhu. kana mubereki akasvika pakuramba mwana wake zvinoreva kuti kana pamba pako anenge asingatsiki, chero kumba kwako anenga asingatsiki. Izvi zvinhu zvaisadiwa navanhu vakawanda zvokuti vaiedza napose pavanogona kuti  vasarambwa navabereki vavo. Zvakare kana munhu aizoramba achingoita mhirizhonga aizodzingwa mumusha masabhuku izvo zviita kuti andogara kunzvimbo dzavatorwa. Kwenyu maigadzirisa mhirizhonga sei? Zvakafanana here? Kana zvakasiyana, takasiyana papi? Chiiwo chaunofunga kuti chinofanira kuitwa parizvino kuti mhirizhonga yemudzimba idzikire? 

Comments

Popular Posts