Nayo nayo yemhirizhonga dzemudzimba


Muchidimbu chadarika ndakadonongora nyaya yemhirizhonga inosanganisira kurovana nokunyimana bonde. Muchikamu chiono ndinoda kutaura nenyaya yekushungurudzana kwemurume nomudzimai nemhando yekubviswa kwemudzimai nemurume wake paruvato rwamazuva ose apo anenge achida kushandisa ruvato rwacho nemumwe mudzimai. Iyi imhirizhonga yakaiipisisa nekuti hakuna kwainotenderwa kubvira nekubvira patsika dzedu savanhu.

Ruvato rwemurume nomudzimai wake runoera. Pavata murume nomudzimai wake hapabvumirwi kuti pazorara murume wake nemumwe mudzimai zvakare. Paruvato apa hapabvumirwi kana kugara chaiko. Kunyange mumadhorobha makadai kumanikidzana vanhu zvokuti mhuri inenge ichishandisa kamuri rimwe chete, ruvato rwemurume nomudzimai runoera. Kana vanhu vashanya vanotofanira kugara pasi kunyange pasina zvekugara.

Iyi nyaya yekuti murume anoti kumudzimai wake buda panze ndimbosasana neshamwari yangu pamubhedha yaisaveyo kare. Chaikonzera kudaro ndechekuti varume vairemekedza madzimai avo. Vaikura vachidzidziswa kuti kurara nemumwewo mudzimai paruvato rwavo nemadzimai avo zvaive zvinhu zvisina hunhu. Izvi zvaikonzera kuti pave nezvirwere zvakaita sekurwadziwa nemusana kwemudzimai kusingaperi kana kutevera kwemudzimai kusina magumo. Izvi zvaigona kukonzera kurwara zvekufa kwemudzimai nekuda kwekuti kunobva madzimai kwakasiyanasiyana uye zvavanodzidziswa kwavanobva nenyaya dzebonde zvakasiyanasiyana. Vamwe vane mishonga yavanoshandisa yekuti bonde ravashandisas harifaniri kushandiswa noumwe mudzimai. Kana rikashandiswa uya arishandisa anobva arwara kana imwe nguva kutofa.

Saka senzira yekudzivirira nhau iyi kare, hakuna mudzimai airara pauruvato rweumwe mudzimai. Vamwe mungashamisika kuti inga varume vaiita madzimai mazhinji wani? Hongu, zvaiva saizvozvo, asi hakuna mudzimai aivata paruvato rweumwe mudzimai. Mudzimai wegawega aifanira kuva neruvato rwake. Izvi zvaireva kuti mumwe nemumwe mudzimai pabarika kana paguru aiva nemba yake apo aizova neruvato rwake. Murume ndiye aipota achienda mumba yamudzimai mumwe nemumwe. izvi zvaireva kuti hakuna mhirizhonga yekudzinga mudzimai paruvato murume achida kuita bonde nemumwe mudzimai wenguva diki uya angangonzi pfambi mazuva ano. Zviya zvandakataura muchikamu chekutanga zvekuti mudzimai aikosha zvekuti murume aisagona kuwana umwe mudzimai iye asina kuziviswa zvaishanda kugadzirisa mhirizhonga iyi zvakare. Nhasi uno nekuda kwekuti takatakura ugaro nemaitiro emadhuna tava kungoita zvinhu zvisina mwero mutsika dzedu. Chakaipa chii kana tikambodzokera shure kwatakabva tikanononga tsika dzedu dzaiva nemwero kwawo tikadzishandisa kupedza nhamo yatava kuchema nayo iyi nhasi.

Mhirizhonga yapadonde yerudzi irwu iyi inofanira kudzokera paya pairemekedzwa madzimai. Zvaiti kana vanhu vakarambana, mudzimai aitakura ruvaro nezvose zvapachoto chake. Izvi zvinoreva izvo kuti mudzimai mumwe nemumwe aifanira kutanga pake ega. Kana dzimba chaidzo, hapana aizoda kugara mumba memumwe mudzimai akarambwa kana afa chaiye. Izvi zvinoratidza kuti, mudzimai aiva akakosha. Mudzimai raisava rara rinotsvairirwa kumarara mazuva ano. Zvakakosha izvozvo kuti savanhu tidzokere kwatakabva. Ndobva ndafunga kambo kaOliver Mutukudzi kekuti Dande/Dzoka Uyamwe. Ko tikadzoka kundoyamwa patakasiyira hunhu hwedu zvakadini? Tsika dzedu dzakamboipa zvakadini zvekuti tinodzituka zuva nezuva? Zvatinoita ndidzo tsika dzedu here kana kuti ndedzevauyi? Kana dziri dzevauyi, ko dzedu dziripi? Kana tinadzo achadzishandisa ndiyani? Ngatikurukure nezvenyaya yemhirizhonga iyi kuti tiwane kuidzikisa. Usanyarara, taura nezvenyaya yemhirizhonga iyi. Ukanyarara, tanyura. Ukataura, takunda. Asi ngatiregei kupomera tsika dzedu zvemanyepo isu tichiita tsika dzavamwe vanhu.  Kana mushoko raMwari tsamba kuVahebheru 13vs 4 inoti iyo, 'wanano inofanira kuremekedzwa navose, uye ruvato rwewanano harufaniri kusvibiswa nokuti Mwari vacharanga pfambi nemhombwe.'

Comments

Popular Posts