ZIBF Live Literature Centre Kuvadavadi

Nhasi kwanga kusingadaidzwi anonzwa kuZIBF Live Literature Centre uko vakomana navasikana vanga vachiratidza zvipo zvavanazvo zvokuimba kudzana, kusekesa vanhu, kukwenya mbira nokudetemba nduri dzinonyandura pfungwa dzavanhu. Nhasi Kwanga kune vadavadi kubva kuzvikoro zvinoti St Giles Primary School avo vange vachikwenya mbira, Budiriro 3 Primary School avo vaimba kudzana kudetemba pamwe nokudzana, Hopley Primary School avo vadzana, kudetemba nokuimba.
Kwaitawo vadetembi vechikuru vakaita sanaMartin Dzenga aka Jezenga mukono wedzimwe shiri, Freedom Gengezha Tendai Maduwa pamwe nevamwe vakawanda. Nyaya dzanga dzichidetembwa dzange dziri dzokushuvira kugara kwakanaka kwavanhu, nherera, vanasikana navanakomana munyika pamwe nedzeHIV/AIDS nedzekuchengetedzwa kwezviwanikwa nenharaunda dzedu.
Mangwana kunenge kuri kumakwishu apo vakomana navasikana navadavadi vechikuru vachange vachiratidza hunyanzvi hwavo pamberi pavanhu kuLive Literature Centre kumutambo weZimbabwe International book Fair mugore ra2012. Vamwe vachange varipo mangwana 3Nyamavhuvhu 2012 ndi Linda Gabriel aka Poetic Angel, Pachena School of Arts, St Giles Primary School Mbira group Zvakare, Awake Zimbabwe ichiita mutambo wayo wekuedzesera unonzi 'Driving The Nation'. Huyai muzvionere pamhuno sefodya nekuzvunzwira pamuviri setsvimbo yazvinda dapi. Musasarira kunakirwa. Huyai musekeswe, kusekenyedzwa, kuvaraidzwa, kutandadzwa nezvimwe zvakawanda. Live literature Centre inobatidza zvose vana navanhu vakuru. Tosanganayo muzuva rechipiri. 

Comments

Popular Posts