Kudzidza hakuperi

Memory Chirere
Ndokunge tigere zvedu pamusuwo weNational Gallery yeZimbabwe muHarare. Ndaivepo ndine munyori wenyaya pfupi Memory Chirere. Apa taipanana zvedu mabhuku nemashoko akakosha sevanyori. Taitotaura nezveuko taigona kuendesa zvinyorwa uye kuti iyo ndima yezveuvaranomwe yakamira sei muZimbabwe mazuva ano. Taiseka zvedu pahusahwira apo takaona mukuru anozivikanwa nezvekunyora mitambo yekuedzesera, Stephen Chifunyise asvika paNational Gallery. Takamusumudzira maoko iye ndofamba ouya pataive. Steve Chifunyise anozivikanwa zvikuru semunyori wemitambo yekuedzesera yakatambirwa munzvimbo zhinji dzinosanganisira kuTheatre in The Park muHarare. Pakasvika mukuru uyu takambokurukura nezvemutambo wake waakanyora unonziRoki and Maneta Encounter, uyo wainge uchikutoonekwa paTheatre in the Park pamazuva iwayo. Takanakirwa tichiudzwawo maonero aiita mukuru uyu nyaya yaRoki naManeta iyi.
Steve Chifunyise
Tiri mukukurukura umu ndimo makazonzi nomumwe wangu Chirere,'Nhai vaChifunyise, nguva yekunyora mitambo yose iyi munoiwanepi.' Mukuru akamboseka zvake sekuti painge pasina chataurwa. Ndobva azoti zvake, 'Nguva yakawandisa chaizvo asi inoda kuirongera.'  Takabva tambotarisana tiri vaviri. Ndokubva tabatsirawo mukuru kuseka. Akabva ataura achiti, 'Munhu akarara maawa matanhatu pahusiku inguva yakaringana kuti munhu anzi azorora. Imwe nguva inoita maawa gumi namasere yava nguva yekushanda, kudya nokutatandara navamwe.
Ndipowo pakazonzi neumwe wangu Chirere, 'Nebasa ramunoita iri rokuti munenge mune mabasa amunenge muchipiwa kubva kudzimwe nyika munozvigona sei chaizvo?' Takamboseka zvedu sekuti hatisi munyaya yakakosha. Ndizvo zvandofarira kana vadavadi vasangana vachigoverana mashoko akakosha. Unenge usiri musangano wakatarwa nenguva zvakare une nguva inotarirwa kuti ingapera. Munguva dikidiki mashoko akakosha anenge atogashidzanwa. Anoda kushandisa matama aawana otoashandisa kuti akure kana kuaregera kuti arambe achingozhamba. 'Hongu ndinenge ndine basa kubva kuMalawi, Botswana neNamibia asi izvozvo hazvinditadzisi kunyora mitambo. Ndinoronga nguva yangu pasi, ndadaro ndochiona nguva dzandinofanira kunge ndichitaura ngano nemusi wemugovera wegawega, ndodziisa parutivi, ndotarirawo nguva dzandinofanira kunge ndichiita misangano nemabhodhi andinogara akasiyanasiyana ndodziisa pasi nemazuva adzo, ndoonazve nguva idzo ndinofanira kunge ndichifambira zvebasa kunze kwenyika, ndodziisa padivi, ndoona nguva dzokutamba navazukuru vangu ndodziisa parutivi nokuti vazukuru vangazogumbuka kuti sekuru havambovaraidzani nesu ndodziisa parutivi, ndadaro ndochitarirawo nguva dzokuverenga ndodziisawo parutivi ndochizopedzesera nekuona kuti nguva yasara kuti ndinyore mitambo nemamwe mapepa andinenge ndichifanira kushandisa apo ndinotaura pamisangano yakasiyanasiyana ndotoona kuti dzakawandisa. Ndakazvipira kuti ndinofanira kunyora mitambo gumi pagore saka ndizvo chaizvo zvandinoita.' takambosekazve.
Ndipowo pakazobvunzwa umwe mubvunzo naChirere zvakare achiti, 'Hamumbosanganiwo nedambudziko rekudzimirwa semunyori here?' Mukuru uyu akabva asekaseka zvake achiratidza kusununguka kwake kwaanoda kuti vamwe vazive kubva mune izvo anoita zvaasinganyimi vamwe. 'Handidzimirwi semunyori kana ndichinyora mitambo. Ndinongodzimirwa chete kana ndichinyora nyaya pfupi, nyaya dzavana kana mapepa ekuverenga pamitambo nemagungano. Mitambo haigoni kuita kuti ndidzimirwe kana ndichinyora nokuti mitambo inotaura nezvezvinhu zvatinoita mazuva ose. Mitambo hupenyu hwedu hwezuva neziuva.'
Takamboseka zvakare. Ko ndizvo zvinoita vanyori vasanganazve. Kuseka nokupana ruzivo. Kukwasha ruzivo kubva kuvamwe. Ndipowo ndakazoti, 'Chete zvinonetsa ndezvekuti vamwe munenge muchiwana pokushandisira zvinyorwa zvenyu. Seni ndinenge ndine nyaya dzandakanyora asi ndichishaya munhu anogona kudzitambira.' Mukuru akabva ati daidai achiti, 'Zvinyorwa zvine nguva. Nyaya yawakanyora inogona kunge isingadyidzani nenguva inoda kuti munyori wayo itsikiswe kana kuti itambwe semutambo. Ini ndinotori nenyaya dzandakanyora makore akati kuti isati yatambwa yandinoona kuti iyezvino yaibva, asi munguva yandainge ngainyora kuti iitwe yainge isati yaibva. Unogona kunge iwe semunyori wavhenekerwa nenyaya isati yavhenekera munhu wese izvo zvinoita sekuti vanhu havadi nyaya yako, asi kwete inguva chete. Zvino iwe semunyori  usazorora kunyora. Ramba uchinyora zvinyorwa zvako uchiunganidza. Zvakakosha zvikuru kuti kana zvinyorwa zvako zvava kudikanwa zvinge zviripo. saka mirira nguva uri pabasa.' Mashoko iwaya akabva aiita kuti timboseka zvakare tiri mukuadzeya.
Pasina ambobvunza mukuru uyu, takazongonzwa otaura nyaya yemutauro wechiShona achiti anotambudzika zvikuru neavo vanonzwisisa nokugona kunyora nerurimi rwechiShona. Aiti iye vanhu ava vanoregerera mutauro wechiShona asi iwo uchinakidza kudaro? Izvi zvakaita kuti ini nemumwe wangu Chirere titarirane tichiita kunge tiri kutaurirana kuti mukuru uyu anoreva isu. Ndakazoshamiswa achiti iye anoverenga kunyange nepepanhau reKwayedza achitokurudzira kuti munhu wese anoda nezvekuziva mutauro anofanira kuverenga pepanhau iri nokuti rinoita kuti munhu adzidzire kutaura nekunyora chiShona nyore. Kudzidza hakuperi chokwadi. Ini semunyori ndaitova nezvimwe zvinhu zvaindinetsa izvo zvakataurwa nemukuru uyu mukukurukura savanyori vasangana mudarenje. Kana nyaya dzako dzisati dzawana anodzitsikisa usaora mwoyo. Aripo achadzitsikisa kana nguva yakwana. Iwe ramba uchinyora nyaya. Zvinoita kana zuva rasvika.
              

Comments

Popular Posts