Ndirichii mumuunganidzwa uyu?


Zuva randakapinda musvitsa rapfuura ndisingatomboziva kuti rapfuura. Ndatozoziva kuti nhasi ndiro zuva randakapinda musvitsa  makore mashanu adarika. Ndambonetseka kuti ko mudzimai wangu sei akangofundumurwa asi ini pasina chandatadza. Mumasikati ambonditumira please call me back ndokubva ndamufonera iye ndokuti aitumira nokuti ini ndange ndisina kubvira ndamufonera zuva ranhasi. Ndangoseka ndokuti zvamadzimainhai. Havadi kuti ndishandise imwe neimwe nguva dzokufunga nezveupenyu uye kana ndaenda kubasa ndinofanira kunge ndichibata zvebasa kwete kumbomhanyisa zvekumba. Basa rinoda kuitwa sebasa.
Zvino ndasvika kumba ndaswedzawo mudzimai wangu zvakanaka iye ndokundipa kudya kwakanaka. Ndapedza kudya ndamutendawo zvakanaka ndokutora bhuku rangu iro randiri kuverenga mazuvano. Ndapinda mumba yokuverengera ndokumusiya achisuka ndiro. Haana kuita zvaanosimboita mamwe mazuva okuti kana ane zvaanenge achida kutaura, anonditorera bhuku tobva tatanga kunge tinobvutidzana bhuku racho zvaanoda zvobva zvazadziswa. Angondisiya ndichienda zvangu kumba yokurara uko ndange ndichida zvangu kuverenga bhuku iri ndakaita manhede ndakatarira pabhuku maziso achimbopota achirasikira pasiringi.
Ndichiverenga bhuku kudaro ndanakidzwa zvekuti ndambobva ndaendesa maziso angu kusiringi nechekukona yedenga remba. Ndaona ikoko dandemutande range ririko kumadziro. Ndadzamisa pfungwa dzangu nezvedandemutande iri. Ndazvibvunza kuti ko ini zvangu ndiri chii? Ndiri nhunzi yakabatwa padandemutande iri here kana kuti ndiri dandemutande rakabata nhunzi? Ndashaya mhinduro ipapo. Ndadzamisa pfungwa dzangu zvakare ndichizvibvunzazve kuti ndiri dandemutande here kana kuti ndiri imba inohwanza dandemutande? Ndiri chii ini? Zvinondinetsa kuti ndiri chii nokuti nguva zhinji zvandiri vanhu havana hanya nazvo. Vanondifunga kana vachida zvavo kuvhara kamutswe kakatsemukira pahurongwa hwamafaro avo. Handisi ini wavanotanga kufunga nezvake apo vanenge vachiita hurongwa uhu. Vanotozoti kana vapedza zvose zvavanenge vachida kuita nezuva ravo vobva vachizofunga nezvangu.
Pfungwa dzangu dzadzama zvakanyanya nhasi apo ndange ndichitarira nyaya yekuti ndapiwa sadza nemunhu akafundumwara, ndikadya zvangu ndokupedzesera nokumutenda. Ndati ini zvino kana dai vanhu vose vaive nhetembo dziri mumuunganidzwa wenhetembo, ini ndiri chii? Ndiri nhetembo iya inongodanyangwa navanhu here nokuti yakanyanya kupfava asi isina zvirungwa zvinoita kuti ivanakire asi vozongoiverenga nokuinyora nezvayo nokuti ndiyo yakapusa pane dzimwe dziri mubhuku, kana kuti ndiri iyo nhetembo inonzi yakaomarara zvekuti munhu wese anoiverenga averengazve kuti ainzwisise asi ozongoisiya musi webvunzo nokuti haigoni kumupa mamakisi akawanda? Ndiri chii mumuunganidzwa uyu?
Zvinondinetsa ndezvekuti kana kuri kuti ini nevamwe vanhu vose tiri nhetembo dziri mumuunganidzwa wenhetembo zvinoreva here kuti iye akatiunganidza ane zvaaida kuti awane kubva patiri. Kutitengesa achidya iye mari isu tisina zvatinowana, kutipa kuvanhu vachatibvuraudza kutipatsanura nokutidonongora kusiya tisisina chimiro, ndizvo here zvaakada kuti hupenyu hwedu huve? Saka ini ndingave here nhetembo iya isinganyanyi kupfekenurwa asi yozoshandiswa kupfigisa musuwo wechinyorwa chake apo anenge asvika kumagumo. Zvino mumwe mibvunzo unouya wonditi, chinonyanya kurangarirwa magumo here kana kuti mavambo? Kana ari mavambo kureva kuti ini ndiri kumagumo ndasara? Zvino kana ari magumo, zvoreva kuti ini ndini ndinosara ndisina kusimira? Kusara ndakashama ndichionekwa nemunhu wese achaverenga chinyorwa ichi. Zvinogona izvo kuti ndipe mamaki  akawanda kumunyorika? Saka chii chinoita kuti ini ndive wekugotsi dzepfungwa dzavanhu nguva zhinji? Ndinochishaiwa. Chii?
Ndidzo pfungwa dzanga dzichingondidya moyo. Vanhu havazivi kuti ndinofanira kurarama nebasa rangu. Vanoda kufadzwa nenduri dzangu asi havadi kuti ndirarame nenduri idzi. Iyezvino ndine dzimwe dzandakaita dambarefu asi vanhu ndipo povoita basa rekutambidzana nemafoni avo via Bluetooth. Vamwewo ndivo vanotoita zvokupisa dambarefu renhetembo dzangu vachiritengesa dollar for two. Kana voronga mitambo yavo zvino unonzwa voti huya hako uwane exposure. Ndinodya exposure here ini? Exposure inobhadhara rent here? Exposure inobhadharira vana vangu chikoro here? Exposure inotengera vana vangu hembe here? Izvozvo unowana kuti vamwe vese vachange varipo pahurongwa hwamafaro vanotendwa nenhumbi kana mari chaiyo. Asi ini ndini ndonzi exposure? Ndipo paunoona kuti hausi chinhu muvanhu. Unenge rara rarasirwa mubhini. Richibva ipapo vanamadhobhabhini vouya voenda naro kure iko rinondorasirwa kurhabu. Zvino ikoko rara rinoora roitwa manyowa. Parinenge riri nyowa rikava panzvimbo isina kumira zvakanaka rinokukurwa nemvura kusvika razadza nzizi namadhamu. Rara ritori nane rinogona kudzorera kushandiswa kwaro. Rara rikaraswa pesepese rinosakisa manyoka. Manyoka amarudzi anorwadza achisakisa mudumbu kuchaya nokurutsa. Ko ini ndiri chii?
Zvandiita kuti ndikanganwe kuti ndine muchato. Kuita sokuti ndakachata ndisingadi. Gore rapera ndakaudza mudzimai wangu kuti tione DVD remuchato wedu. Ndakarwadziwa pandakaona kuti vanhu vatatu vekuchechi kwedu vaiva pamuchato apa tainge tisisinavo. Vainge vaenda mberi kusina anoziva. Ikokuya kunongonzi nemunhu wese ndiyo nzira yedu tose. Wozoshama  kuti zvatinoti ndiyo nzira yedu tose seiko tisingajairi kuifamba uyewo tisingafari kana umwe wedu aifamba? Zvakandigumbura kuti kunyange iye muchatisi wedu ainge asisinesuwo zvakare. Handizivi kuti sei patakapedza kuona DVD remuchato wedu ndakanga ndava nemisodzi pamatama? Kana Nanhasi handisati ndaziva kuti chii? Pamwe inyaya yekuti ndainge ndofunga shamwari yangu yandaitamba nayo iyo yakaita kuti ndione mudzimai wangu. Shamwari yangu iyi yaishanda nomudzimai wangu pabasa pamwechete pareception.  Ndiyo yakaita kuti ini nomudzimai wangu tionane apo ndainge ndaenda kundoiona. Zvino chakandinetsa ndechekuti iyezvino yainge isinesu zvakare. Ndakatondera nzendodzataifamba tese naye? Futi uyu yange isisiri shamwari asi kuti ndainge ndava mukoma wake. Takanga tawirirana zvokusvika pakuva mukoma nemunin’ina. Rufu rwake rwakandigumbura nokuti ndiye wandaida kuti ave best man pamuchato wangu. Iye ndokubva afa tisati tachata uye tisati tambotanga nekuronga muchato wacho. Ipapo ndipo patinotaura kuti aiwa rwendo urwu nderwedu tose. Rwendo rwedu tose kuenda kupi? Munoziva kwamunonge muchienda here nhai vanhu? Kana muchikuziva munozochemeiko? Handiti munenge muchichema rima randakaona apo pakashaya shamwari yangu? Akangoita kunge sekutiza kunoita makore emvura mugore renzara. Zviya zvekuti mhepo inouya mozotoona makore anga akaungana apandaka. Zvakandidzimba moyo. Ndiri chii mumuunganidzwa wenhetembo zvino? Kureva here kuti ndiri zvimiso, kana zvizororo zvinowanikwa panhetembo asi zvisina unotaura nezvazvo kuita kunge zvisina basa panhetembo asi zvirizvo zvinoipa chimiro? Ndiri chii? Ndinodzinyora nhetembo asi ndiri kutsvaka chaicho chandinganzi ini ndiri mumuunganidzwa wenhetembo kana vanhu vachiratidza kusava nehanya neni?
Zvino ndazopepuka apo vadzimai vangu vanga vachiti ngatinamatei tiwane kurara zvakanaka. Handina kuita nharo navo nokuti kunamata ndinokuona kwakanaka. Kunoita kuti ndisabatwa namadzikirira. Kana ndikarara ndanamata handioni rimwe rima rinondishanyira kana ndirere. Imwe nguva ndinenge ndisina kukotsira asi rinongouya roti mbi pandiri. Kana radaro ndobva ndashaya simba. Ndakamboedza kudzinga rima iri nekunwa doro asi hazvina kubatsira. Doro rakaramba kundidhaka. Ukaona Warambwa nedoro chimwe chaunozodawo chii? Chingakutadzisa kuswedera pedyo naMwari chingava chii? Hapana. Ndatanga kudaidza mudzimai wangu kuti andibatsire asi iye haagoni kuzviita. Izvi ndizvo zvinoita kuti ndide zvangu kunamata. Saka kana anditi huya tinamate handinonoki kupfugama ndichitaura nezvenyaya yekudzivirirwa naMwari. Ipapa ndipo pandazoziva kuti zuva ranhasi ndiro randakapinda musvitsa nomudzimai wangu. Ndazvinzwa apo anga achinamata kuna Mwari achivaudza kuti vakaita havo nokutiwedzera mamwe makore tiri murudo. Ndagumbuka kuti handina kumbozvirangarirawo sei? Ndazoziva kuti ndiyoyi hondo yandanga ndinayo uekuda kuziva kuti ndiri chii yaswera yakandibata zuva rose zvokunditadzisa kurangarira zvemuchato wedu unova wakakosha pahupenyu hwedu nemhuri yangu. Ndaremerwa kunyange zvangu ndazongobatana nomudzimai wangu pakunamatira muchato wedu uye kuti ndisabatwa nedzikirira rinogarondinetsa iri.

Comments

Popular Posts