Chikwata cheEDITH WeUtonga chonange Kenya neUganda



Chikwata cheEdith WeUtonga chiri pabasa. Muzvamburi wegitare redzvovero Edith Katiji ndiye ari pakatti pamufananidzo
Nyenyedzi dzirikuramba dzichipenyera vanasikana varimundima yezvekudavadika muZimbabwe zvichionekwa nekusumuka kwechikwata cheEdith WeUtonga nemusi wa30 Nyamavhuvhu, 2012 chatakananga kuKenya apo chichange chiri pamutambo wezvemimhanzi weBlankets and Wine Arts Festival uchaitwa misi inoti 1 na2 Gumiguru, 2012. Urwu ndirwo rwendo rwechikwata ichi rwekutanga kubuda muZimbabwe chichienda kundoratidzawo vanhu vokunze hunyanzvi nehumhizha hwacho pakubika mimhanzi.
Musi wa1 Gunyana, Edith Katiji uyo anova muvambi uye achiridza gitare reDzvovero muchikwata cheEdith WeUtonga achange achitungamirira zvidzidzo zvemumhanzi zvine donzvo rokuti, ‘Basa Ramadzimai Munezvemumhanzi MuZimbabwe (Zimbabwe Music: The Role of Women)’.  Muzuva rinotevera, ndipowo chikwata chake chicharidza chiri icho chikwata chakatarisirwa kufadza vanhu pamutambo uyu kutanga nenguva dza530 manheru. Senzira yekushambadza chikwata kuvanhu vekuKenya, varongi vemutambo uyu vakavimbisa Edith Weutonga kuti nhau pamusoro pechikwata dzichange dzichitaurwa pamarhedhiyo nezvivhitivhiti zveyo. Musi wa4 Gunyana, chikwata cheEdith WeUtonga chinenge chapedza nezvemutambo weBlakets and Wine Festival chichanoridza kuAlliance Francaise kuMombasa makare muKenya. Mutambo uyu chakaurongerwa naCharles Houdart uyo anoshandira kuAlliance Francaise yemuZimbabwe. Musi wa7 Gunyana, chikwata ichi chichange chichivaraidza vanhu vekuKampala kuUganda uko chichanoridzira pasi pehurogwa hweGothe Institut, pamutambo wachakarongerwa naRoberta Wagner uyo anoshandira Gothe-Zentrum kana kuti Zimbabwe Germany Society.
Mukutaura kwamaneja wechikwata, Elton Mujanana anoti  iye, ‘Chikwata cheEdith WeUtonga chinotora rwendo urwu serwakakosha zvikuru sekuti ndirwo rwekutanga.Izvozvi chikwata chave nemwedzi miviri chichigadzirira zuva rogaroga nezvemutambo uyu. Sechikwata, Edith Weutonga chichashandisa mukana uyu senzira yekupinda nayo kune imwe misika yekunze uyewo mitsva zvakare.’
Elton anoti, apo vakatumira tsamba yavo yekutsvaka mvumo yekuzova pamutambo uyu, varongi vemutambo uyu vakabva vaita tsvakurudzo yavowo padandemutande nezvechikwata ichi ndokuchiwana kuti Edith Katiji mumwe wemadzimai anotungamira chikwata chemimhanzi achiridza gitare redzvovero nokunyora nziyo muAfrica izvo zvinogona kunge zvakazopawo havi yokuti vati chikwata chive pamutambo wakachikoshera uyu.
Sekuona kwake Elton anoti kuridza kwakaita Edith WeUtonga pamutambo wezvevadavadi weHIFA paMain Stage kunogona kuvawo kwakabatsira mukusarudzwa kwechikwata ichi kuti chinoridza kuBlanket and Wine Festival. Zvsirizvo zvega, chikwata cheEdith WeUtonga chakakwanisa kuridza pamitambo yevadavadi inoitirwa munyika yakaita seHIFA, Intwasa, Ibumba, Chimanimani Arts Festival, YOCAF, Winter Jazz Festival neimwe mizhinji. 'Izvi zvinogona kunge zviri izvo zvakapa varongi vemutambo weBlankets and Wine Festival, havi yekunzwawo chikwata ichi chichivaraidza vanhu kuKenya.
Maneja weChikwata akaburitsawo pachena kuti muvambi uye muridzi wegitare redzvovero wechikwata ichi, Edith Katiji munhu anofarira kuita mubatirapamwe navamwe vaimbi. Izvi zvinoonekwa apo panguva yemutambo wekupedzesera paHIFA Edith Katiji akaridzira Oliver Mutukudzi gitare redzvovero parumbo rwake runonzi 'Tozeza Baba'. Zvisizvo zvega, Edith WeUtonga akamboridzazve naAlik Macheso kuJazz 105, pamutambo wainzi pasangana shasha dzekurova magitare edzvovero. Akazoridzawo zvakare naJosh Meck, pamutambo wadaidzwa kunzi, ‘Bass Combo’ uyo wakaitirwa paPrince Edward School. Edith akaonekwawo zvakare achibatana nechikwata chekuSeattle KuUSA chinonzi Publish Your Quest icho chinoridza musambo werock wakanyorovera. Nokuda kwekuti vawana mukana wekundosangana navamwe vadavadi vanobva kumabvazuva nekumadokero eAfrica, achashandisa mukana uyu kutsvaka vamwe vaimbi vekuita mubatirapamwe wekuimba navo.    
Elton Mujanana anoti iye apo chikwata cheEdith WeUtonga chichainda kuKenya , chichanova mumiriri wenyika akanaka. Ikoko vanoti vachanosiya maCD nemaT/Shirt. Pamusoro pazvo chikwata chichandodambura nziyo dzacho tsaru neitsva dzichange dziri padambarefu racho ririkutevera. Vavariro yechikwata ndeyekuti kana chasvika kuKenya chigone kuridza musambo unoita kuti vanhu vanofarira misambo yakasiyana yemumhanzi vanakirwe vose pasina dambudziko.
Edith WeUtonga chikwata chinorova musambo wemuAfrica wakasanganiswa. Chinorovawo musambo weChimurenga zvakare. Ndinovimba kuti avo vachange vari pamitambo yese icharidzwa nechikwata ichi vachaduvikirwa pamwe nokutapirirwa nemimhanzi yacho. Chinofadza ndechekuti budiriro yose iyi irikuuya ichitevera dambarefu rechikwata ichi rimwe roga iro rachakatsikisa mugore ra2010 rinonzi, Utonga. Dambarefu racho rine nziyo gumi dzinosangnisira Chipo, Nhaka naTaisireva dzinovaraidza kunzwa. Elton Anopedzisira nokutendawo sangano reCulture Fund Of Zimbabwe nekuvabatsira nemari yematikiti endege.

Comments

Popular Posts