Roki and Maneta Encounter, inobuditsa kuti madzimai ane simba rekusumudzira kana kadzikisira ramangwana remunhu!


Musi weChipiri 20 Nyamavhuvhu 2012, Rooftop Promotions yakaparura mutambo mutsva uyo wakanyorwa nemunyori wemitambo yekuedzesera anozikanwa zvikuru Steve Chifunyise. Mutambo uyu unotenderera panyaya yekuti Roki naManeta vanova vamwe vavanhu vanopinda kumakwikwi eZim IDOL. Nhoroondo yekukundikana kwavaviri kuBig Brother Africa inozivikanwa nenyika pamwechete nevatatu avo vaiita basa rekuona kuti agona kudarika umwe ndiani muZIM IDOL.
Nyaya inobuda pamutambo uyu ndeyekuti iyo madzimainogona kusumudzira kana kudzikisira hupenyu hwemunhu. Izvi zvinoonekwa apo Maneta anozivikanwa nokuita kuti Roki akundikane pamutambo weBig Brother Africa anozoita iye zvakare anoita kuti Roki aitwe ZIM IDOL. Izvi zvinouya mushure mekunge vatatu vanonga vachiona nezvekuti akunda vamwe ndiani vakundikana kuwirirana kuti akunda umwe ndiani. Ndipowo panozobuda Maneta uyo anova mukwikwidzi achitaura zvabuda mumakwikwieZIM IDOL aya.
Simba ramadzimai rakaratidzwa zvakare nemamirire anga akaita huwandu hwevatambi vemutambo uyu. Pane vatambi vaiva nechekuita nezvaizobuda mumakwikwi eZIM IDOL, paiva navanhukadzi vatatu zvichienzaniswa navarume vaviri. Vamwe varume vana avo vairidza zviridzwa kumutambo uyu kuti vanokwikwidza vanyatsekuita basa ravo vainge vachiita kunge rhedhiyo. Vaiva vabatsiri chete asi vanga vasina chekureva pane zvaizobuda mumitambo uyu. Zvinosiya vanhukadzi vatatu navanhurume vaviri vachikwikwidzana kuti onzi ZIM IDOL ndiani.
Kubudikidza nehuwandu hwavanhukadzi muZimbabwe, mutambo uyu unoratidza kuti kana vakabatana, vanogona kugadzirisa hupenyu nekusarudza nzira yakanaka yekuitira nyika zvakanaka pasina kupopotedzana kana kutukana. Izvi zvinoonekwa apo Maneta paanoti Roki ndiye akunda muZIM IDOL, vanhu vose vanobva vawirirana kuti ngazvive saizvozvo. Zvobva zvoratidza simba rinavanhukadzi muhupenyu hwavanhu iro ravasiri kushandisa nokuti vakazvipatsanura kuita zvitutu zvitutu.Hongu mibvunzo inogona kuva yekuti, ko sei murume ari iye azonzi akunda? Haisi nyaya yekuti munyori aida kusumudzira varume pane madzimai here?
Chinhu chinonakidza mumutambo uyu kusetsa kunouya nokuitwa kwetumwe tunhu tunosetsa twaiitwa navatambi vari mumutambo uyu. Roki semusi wake wekutanga kupinda mumutambo wekuedzesera akaratidza kuti mudavadi asingatyi chaunga, asiwo hazvo haana kunyatsoburitsa  dzimu rehudavadi hwake. Uyewo uyu Maneta anga akaita sokuti porei zvake. Asi zvinogona kugadziriswa kunyanya kana vatambi ava vakaita kuti tione kuputirwa kwavo nedzimu ravo rokudavadika. Mutambi andakaona sokuti anoda kuti agadzirise matambire ake mumutambo uyu ndiChipo Bizure uyo aiita kunge munhu asvikirwa neshavi. Aiita kunge asiri munhu akakosha mumakwikwi aya. Kana akarega dzimu rekudavadika richisvika paari ndinoona zvichimuitira zvakanaka. Zvakadaro, mutambo uyu wakaita kuti ndiseke, uye wakaita kuti nditaurewo nevamwe vanhu tichikurukura izvo ndinovimba kuti ndizvo zvakananga mutambo uyu uyewo chiri chinhu chakanaka kana vanhu vabva kundoona mutambo.  

Comments

Popular Posts