Kombi izere nemanyepo!

Yazara,yazara!

Dzimwe nguva nhema dzatinosangana nadzo muhupenyu hwedu dzinonditambudza. Apo ndange ndichida zvangu kukwira kombi kuti ndipinde muguta, mukomana anga achisheedzera kuti vanhu vakwire kombi yake ange achisheedzera achiti, ‘Huyai mukoma. Yazara. Handei. Yazara.’ Ndafamba ndichienda kukombi yake ndichida kuti ndimubvunze kuti ko kana yazara arikundidaizireiko, ndipo pandaona kuti kombi yake yange ine vatakurwa vatanhatu. Apa iye anenge achida vamwe gumi nevaviri kuti kombi yake inzi yazara. Ndamubvunza kuti sei achinyepera vanhu, iye ndokuti, ‘ibasa mudhara! Ndikasadaro vana vanofema mhepo kumba uku.’ Izvozvo vanhu vanga vakuuya vachipinda mukombi yake iye achienderera mberi nokusheedzera kuti yazara. Ndaramba kupinda mukombi yake. Ndamuudza kuti handipindi mukombi yemunhu anonyepa. Vamwe vatakurwa vanga vari mukombi vandiseka. Vandituka  vachindipomera mhosva yekushaya chekumhanyira uye zvokuita mudhorobha. Vanga vachitonditi dai ndine chekumhanyira ingadai ndapinda mukombi ine munhu anonyepa kuti yazara iyo isati yazara. Yazouya imwe yangosheedzera kuti, ‘handei kutown,’ ndichibva ndapinda ndokusiya iya yokuti yazara iripo.
Tafamba kusvika mudhorobha. Rwendo rwangu rwanga rusingapereri ipapo, ndange ndichida kuenda kumaindasitiri ekuWorkington. Ikoko ndasangana neumwewo mukomana anga achidaidzira kombi yake achiti, ‘Two vasara. Two vasara.’ Ndafamba ndichienda kukombi iya ndokuwana kuti kombi yake yanga ichida  vamwe vanhu vatanhatu kuti izare. Ndamubvunza zvakare kuti sei achinyepera vatakurwa zvakadaro, iye ndokuti, ‘Mashoko okushambadzira mudhara. Zvinotoda madegree nemadiploma izvi kuti tiwane mari. Handiti mauya henyu mudhara? Chikwirai tiende.’
Ndaramba kukwira kombi yake ndichiti handikwiri kombi yemunhu anonyepa. Zvikanzi nevanhu vanga vari mukomba, ndiri munhu asina chinangwa nehupenyu. Dai ndine chinangwa nehupenyu ingadai ndakwira pamwe chete navamwe. Ndazvibvunza zvangu kuti, ko ane chinangwa nehupenyu ndoupi anokwira kombi yaanoona kuti haina kuzara iyo ichinzi yazara kana munhu anoramba kuwira kombi inonzi yakazara iyo isina?  Chinoputira vanhu chii chaizvo? Chinotipinza murima kunge tiri kumhanyira muchiedza? Kuti ndizvowo zvinoita kuti vanhu vamhanyire kunditambira chadonha iya inoitwa nemavhevhe anodonhedza emvuropu kana mari yekunyepera kuti vavhevhetedze vanhu here? Kana kuti ndizvo zvinoita kuti tisiye nhata dzinotisveta ropa dzichitisveta tichingoti ndizvo zvinoita kuti tirarame idzo dzichitotibira hutano hwedu sekubirwa kwatinoitwa nguva navakomana vamakombi tichikwidzwa kombi isina kuzara iyo ichinzi yazara? Kungwarawo here kwedu kunotikwidzisa, kombi izere nemanyepo?

Comments

  1. Wandityora. Ndakuvara nekuseka pandiri pano ndiri ndega hangu.

    ReplyDelete

Post a Comment

Popular Posts