Simba rekurangarira ndiwo musimboti wekunyora nyaya



Shimmer Chinodya achivernga nyaya pfupi Hofman Street kubva mubhuku rake renyaya pfupi, Can We Talk.
Musi wa23Nyamavhuvhu 2012 rakava zuva rakaisvonaka apo vanyori vakaungana kuBookCafe pachiitiko chekusangana kwevanyori muchirongwa chePamberi Trust Creative Writing Working Group. Pachiitiko ichi paiva nevanyori gumi navana avo vaikurukura nemunyori wemabhuku anozivikanwa zvikuru, Shimmer Chinodya. Uwandu hwevanyori vakapinda muchirongwa ichi icho chakatora maawa maviri kubva nateni kusvika panguva dzegumi nembiri masikati hwaiva hwakaenzana  pakati pevarume nevakadzi.  Musi uyu  Chinodya nevanyori vaaitungamira vakabvumirana kuti vataure pamusoro pesimba rekurangarira pakunyora nyaya, nhetembo kana rungano.
Chinodya anoti chidimbu chepakati nepakati chekunyora nyaya chinobatwa nendangariro dzemunyori. Ndangariro dzemunyori dzinoratidzwa kubudikidza nenguva kana zuva iro mutauri wenyaya akatanga kurangarira. Kurangarira uku kunosanganisira nyaya dzehukama huri pakati pemutauri wenyaya nehama, vavakaidzani, nezvakamupoteredza; zvishuviro zvemwoyo, zvakasanganikwa nazvo muhupenyu nezvimwewo zvakangodaro.
Mushure mekutaura kuti muzuva iri vanyori vainge vachizotaura nezvesimba rekurangarira semusimboti wekunyora nyaya, Chinodya akazopa  vanyori kuti vanyore nezvemusi wavatanga kurangarira. Vanyori vakabva vanyora musi wavatanga kurangarira apo vaive vachiri vana vaduku, panguva apo vakange vachiyamwa kana apo vaive vava kuchikoro. Mushure vanyori ava vakazoverenga ndangariro dzavo. Mushure mekunge mekuverengaga ndangariro dzavo, Shimmer akazoverenga nyaya yake pfupi yakanyorwa kubva mundangariro dzemwana muduku inonzi ‘Hofman Street’inowanikwa mubhuku rake rinonzi, ‘Can We Talk ‘iro rakatsikiswa neBaobab Academic Books mugore ra1998. Mushure mekupedza kuverenga nyaya pfupi iyi akabva apa vanyori basa rekunyora kanyaya kanoenderana nendangariro  dzemumwe nemumwe  apo aiva ari mwana muduku. Kanya aka kanga kasingadariki peji imwe. Pakunyora nyaya idzi  munyori aifanira kubudisa pachena nguva yakaitika nyaya, izwi remwana muduku, maonero emwana muduku, uye chimwe nechimwe chinhu chakakosha chinoita kuti vaverengi vanakirwe.
Vanyori vapedza kunyora nyaya dzavo vakazoverenga nyaya dzavo dzichivhenyengurwa. Iyi inguva yainakidza chose apo mumwe nemamwe aiverenga nyaya yake vamwe votaura maonere avo. Chinodya, akataura pachiitiko ichi uvaranomwe hupenyu uye hupenyu huvaranomwe. Chinodya akati haanyari kunyora nezveupenyu hwake apo anenge achinyora nyaya dzake. Sezvo zvichinzi munyori anofanira kunyora nyaya pamusoro pezvinhu zvaunoziva pamwe nekunzwisisa naizvozvo munyori anonyanya kunzwisisa zvinhu zvakamukomberedza zvinosanganisira iye. Akawedzera achiti, kuti munyori akure anofanira kuverenga. Zvakare anofanira kuverenga vanyori vanoshandisa izwi raanozoda kushandisa mukutaura nyaya dzake. Chinodya anotora kuverenga nekunyora semativi maviri emari yesimbi. Kana divi rimwe risipo, rimwe racho hariwanikwewo.

Kanyaya kari pazasi apo ndiko kakabuda pabasa ratakapiwa rekudzidzira kushandisa izwi remwana mukunyora:
Father is beating sister Mary this morning. Mother is crying, ‘Chimuregai kani baba!’ Father continues beating sister Mary. Babamunini Chokuda arrives. Mother tells babamunini Chokuda, ‘Stop your brother before he kills his daughter.’ Babamunini Chokuda laughs. Mother shouts at babamunini Chokuda, ‘Useless man!’ Sister Mary calls at babamunini Chokuda, ‘Babamunini ndofa!’ ‘Do you know death,’ that is father. ‘What is death mother?’ ‘Go away, you are too little to know?’ I run to sekuru Gwanha.   Father is always afraid of sekuru Gwanha. Sekuru Gwanha is his father. I am asking sekuru Gwanha, ‘Do you know death?’ Who died? There is death at home. I am running away from death.  Sekuru Gwanha is too too old. His wife mbuya Matindindi is also too too old.

Comments

Popular Posts