Mashoko eshambadzo yekuverengwa kwavanhu ari kudzikisira pfungwa dzamadzimai

Kushambadza inzira yekufambisa mashoka pamusoro pezvinhu zvakanaka zvichange zvichiitika kana yezvinhu zvakaipa zvichaitika kuti vanhu vagare vachiziva musi nenguva wazvichaitika. Kushambadza inzira yekupi chenjedzo kuvagari vemunyika kana kune zvirwere zvinenge zvichinetsa zvakaita samanyoka uyewo kana kuchinge kuchizouya mvura ina mafashamo. Inzira zvakare yekuzivisa vanhu nezvevzirongwa zvichange zvichiitika munharaunda dzavo maererano nehurongwa hwehurumende. Makambani anoshandisa nzira iyoyi kuzivisa nezvezvirongwa zvavo zvokutengesa zvakasiyana siyana.  Pakugadzira mashoko eshambadzo vanhu vanoagadzira vanotarisirwa kushandisa mashoko akajeka asingatarisiri vamwe vanhu pasi zvichienderana nerudzi, kuti munhu murume kana kuti mudzimai, mana mudiki kana kuti nemutauro. Vanoshambadza vanogona kushambadza vachishandisa nguva yekushambadza yepamadzangaradzimu yepazvivhitivhiti. 
Apo ndaiona zvangu mashoko ekushambadzira kuverengwa kwavanhu kuchange kuchiitika munyika yeZimbabwe kubva musi wa18 Nyamavhuvhu 2012 ndakadzimbwa. Chakandirovesa nehana runyaya rwandakawona rwaitaurwa namashoko ekushambadzira kuverengwa kwavanhu aya. Mumashoko eshambadzo aya ayo ari muChishona akandiita kuti ndizvivhunze kuti munyika muno tine vanhu vanokoshesa mutauro wavo uye vanoremekedza madzimai here? Ndinodaro nokuti runyaya ruri mushambadzo iyi haruna kujeka. Chinorutadzisa kujeka ndechekuti tinongotanga kunzwa vamwe mai varipachibhorani navamwe vachiti, ‘Mai mwana guhwa randibata’, vapedza ndipowo pavanozotaura zvekuti, ‘Mai Mujambajecha vakabatwa nomurume wekuraini rekuseri uko’ Izvi zvapera ndipo paunozoona mai vaya voti, ‘Kuverenga kwavanhu kuchabatsira kuti ini nenharaunda yangu tiwane mvura yakanaka.’  Vamwewo amai vavanga vachiita makuhwa navo voti, ‘Ini nemhuri yangu tichaverengwa, iwe verengwawo.’
Unobva washaya kuziva kuti nyaya yamakuhwa yapinda papi panyaya yekuverengwa kwavanhu iyi. Zvakare kuti nyaya yekubatwa kwaMai Mujambajecha nechikomba kuraini rekuseri kunobatsira chii panyaya yekuverengwa kwavanhu iyi. Izvi zvinosiya munyori wamashoko okushambadzira aya achidzikisira pfungwa dzamadzimai. Shambadzo iyi inobva yaita kuti vanoiona vabve vafunga kuti madzimai haana chimwe chinhu chinovaka chaanogona kuita kunze kwemakuhwa.  Asi ichokwadi here kuti madzimai kana ari patsime basa rawo nderekutaura makuhwa? Kana madzimai asangana pachibhorani, haana here dzimwe nyaya dzaanotaura dzebudiriro kunze kwemakuhwa? Nyaya iyi inoitika zvakare panzvimbo inoratidza kuti irikutopa vagari venharaunda yamai ava mvura yakachena. Chibhorani imwe yenzira inotarisirwa kuti inopa vagari mvura yakachena. Izvi zvinotsinhirwa nokuti izvo muHarare makaita chirwere chemanyoka cheCholera masangano anobatsira munguva dzenjodzi akachera zvibhorani munzvimbo dzaive nechirwere ichi senzira yekuwanisa vagari veHarare mvura yakachena. Zvino iyi yokuti izvo zvichibuda mukuverengwa kwavanhu zvinozowanisa mvura yakachena kunamai ava nenharaunda yavo ivo vachitochera mvura yakachena zvinoneti netsei kunzwisisa zvakare.  
Mukutarira runyaya ruri mumashoko eshambadzo yekuverengwa kwavanhu iyi unobva waona kuti mashoko ekuverengwa kwavanhu chinenge chinhu chazongouyawo zvacho kuseri kwenyaya yakakosha yekuita makuhwa. Zvinobva zvaratidza kuti murongi wamashoko aya aida kuburitsa nyaya yokuti madzimai mumakuhwa haabviri. Madzimai, ichokwadi here kuti chamunogona kutaura makuhwa? Ko izvi zvokutaurirana kwekundotengesa muriwo yenyu yamunenge makohwa mumangadheni enyu munoitaurira kupi? Ko iyiwo iyi yekuronga zvokuyambuka mhiri kwenyika kundoshava munoitaurira kupi? Ko izvi zvokuudzana zvemakirabhu emabasa amaoko needzimba munozvitaura muri papi nhai?
Runyaya ruri mumashoko eshambadzo awa runoudza nyika kuti isatambe namadzimai nokuti pfungwa dzavo dziri mumakuhwa kwete mashoko ebudiriro. Makuhwa acho ndeenyaya dzine chokuita kuti mai nhingi vaonekwa vachifamba nani uye baba nhingi vanani Chetechete. Asi ndicho chokwadi here kana kuti uku kutarisira madzimai pasi kuri pachena? Musanyarara, ngatikurukurei nezverunyaya urwu.

Comments

Popular Posts