Kunaka kwenhaka!

Nhaka chii? Nhaka ndihwoka hupfumi hunosiiwa nemubereki, sekuru pamwe nedzimwe hama dzinenge dzashaya. Kana hama ichinge yashaya, kazhinji ikasiya hupfumi vasara vanotanga kurwirana kuti zvino uchatora ichi ndiani? Asiwo kana nhaka ikanaka kunaka kwairi kuitira vamwe vana vavaimbi vandakaona kwaGutu uko kwaiitwa mutambo weHeroes Splash aiwa unobva wanzwa kuzipa kwenhaka. Chandisingazive zvangu ndechekuti vana vakasiiwa ava hwavo husimbe here kunyima vanhu vainge vakaungana apa zvitsva zvavo zvavakagadzirawo pasina kuzembera pane izvo zvakasiiwa namadhara avo?
Akatanga ndiSuluman Chimbetu uyo padzimbo nhanhatu dzaakaridza akaridza dzababa vake ina, dzinoti, ‘Dzandipedza mafuta, Ndarangarira gamba, One Way, Pane Asipo,’ dzose idzo dzakaridzwa nababa vake. Iye akazongoridza, ‘Kwedu Kusaruwe naNone-Stop’. Mubvunzo unodzoka uchiti kureva kuti here Sulman haana nziyo dzinoenderana nezuva ramagamba kana kuti dzake nziyo hadzinyanyi kutapirira vanhu? Chii chonoita kuti mushure memakore ose aya mukomana uyu achiri kungoridza nziyo dzenhaka? Pamweka ndikoka kunaka kwenhaka uku?
Mukomana uyu haasi ega. Ndakaonawo vakomana vekwaDembo vachirova dzimbo dzababa vavo. Ava vakaridza nzimbo dzinosanganisira, ‘Chitekete’, asi havanawo havo kana kambo kavo kamwe kandakanzwa. Izvi zvingareva here kuti havana havo nziyo dzokuimba? Ko kana vasina nziyo vachararama nenhaka iyi kusvika riini? Uyu mubvunzo wakauya ndichiterera vakomana ava vachidavadika vari kwaGutu. Chakandinakidza ndechekuti hacho vakomana ava vava kutamba vari pabasa izvo baba vavo vaiti ivo havo havazvigoni, havana nguva yekutamba nebasa. Asizve kuti nhaka ienderere mberi inodawo vanhu vanoveza zvitsva kwete kuramba vanhu vakabatirira kuzvivezwa zvakare. Hecho chitsvambe kwamuri vakomana.
Uyuwo uyu mukomana wekwaMoyo, Peter, akati nemo nemo mababa vake. Akarova dzinosanganisira, ‘Toita basa, Samanyemba, naMuchina muhombe.’ Hapanawo kana kamwe katsva kana zvako kakasiiwa nababa vake vasati vapedza kurongedza. Zvinoreva here kuti mukomana uyu haasati ava nehunyanzvi hwekuveza dzimbo? Chinofadza ndechokuti iyewo anogona kurova gitare raikwenywa nababa vake. Izvi ndizvo zvinopa vanhu tariro yekuti kana naiyewo anogona kusvika pakasvika baba vake. Asi zvarini nhai chikomana?
Uyuwo mukomana Tryson Chimbetu akaita zvimwezvo, kuridza, ‘shandisa simba rako komurhedhi naNewspaper,’ kunyange akazorovawo hake twake. Chii chirikuitika kune vakomana ava vose zvavo? Chinozongofadza apa ndechekuti naiyewo anogona kusvetuka sezvaiita baba nababamukuru vake wozongoramba uchiti, pada nekufamba kwenguva vacharovawo dzimbo dzinoita kuti vanhu vatambe vachinakirwa kusvika kwaedza vasinawo kumborova kababa kana kababamukuru.
Kuti nhaka inakidze kuidya hunge unepfungwawo dzakanaka dzokuivandudza. Zvino pavakomana vose ava, kana vakadaidzwa kumagala vanongorova dzimbo idzodzo dzenhaka, havadiwo kutiratidza kugona kwavo uye kuvandudzawo kwavakaita nhaka yavakasiirwa. Ndipowo hako paunozoona kunaka kwenhaka. Unodya nezvakaitwa nevakadarika kare. Asizve kuti inyatsonaka unofanira kuimba zvokuti unosvika pakunakidzwa nezvaunoita kwete kuti usiye vanhu vachigunun’una kuti ko wakadii hako wakaita muvezi pane kupinda munzira yavabereki vako. Vana vaidya nhaka yamadzibaba avo kuHeroes Splash kwaGutu, vainge vakawanda, asi ava ndivo vandakaona ndikaona zvakakodzera kukurukura nezvavo. Nhaka yakanaka kana ukanyatsoidiridzira nedikita. Asi kana ukaramba wotora pakasiiwa ipapo unopedzesera usisina pokutora. Tangaiwo nedzenyu, mozoridzawoka dzenhaka kana isu vaoni nevatereri tati toda kunzwa kaya. Kayakaya kakasiiwa nehama nevabereki venyu kaya.
Zvakadaro hazvo ndakafara hangu kuti vana vanosumudzira mabasa avabereki vavo ezvemumhanzi vawanda. Izvi zvinoonekwa nekuwanda kwaita vana vanosara vachisumudzira mazita avabereki vavo ivo vasisipo.  Kugara nhaka yekuimba kwangofanana nekugara nhaka yechitoro. Zvose zvinoda kuzvirongera nokuzvigaira zvine uchenjeri. Mukaramba mongotengesa zvakasiiwa izvozvo navakaenda musingaisi zvitsva muchitoro, chinovhara mukasara nedangwaza. Zvinoda kushanda.

Comments

Popular Posts