Live Literature Centre kuZIBF 2012

Kubva musi weChitatu 2 Nyamavhuchu kusvika musi weMugovera 4 Nyamavhuvhu 2012 pakati penguva dzegumi nembiri masikati kusvika nguva dzena manheru misi yose kuHarare Gardens, kuchange kwakabaka nemisambo yembira, kudzana, kuseka, mitambo yekuedzesera, nhetembo, ngano nenziyo. Izvi zvichange zvichiitika kuchikamu cheLive Literature Centre/ Muzinda wehudavadi hwemazwi kuZimbabwe International Book Fair. Avo vose vanouya kuzotenga nekuona mabhuku vanokurudzirwa kuti vasaenda vasina kuseka nokuti vakadaro vanenge varasikirwa zvikuru. Ikoko kuchange kune zvikwata zvakaita seSt Giles Primary School Mbira Group, Pachena School of arts chekuMbare, Hopley Primary School, Dzikwa Trust kubva kuDzivarasekwa, nevamwe vadavadi vehunyanduri vakaita sana Linda Gabriel aka Poetic Angel, Ngobile Malinga aka Madzibaba Maringa, Freedom Gengezha, Tutani Moyo uyo unozivikanwa nokuita ngano nokuverengera vana mabhuku mumatura emabhuku eHarare City Libraries, Mbizo Chirasha aka The Black Poet navamwe vazhinji chose. Tosanganayo hama vadiwa!

Comments

Popular Posts