Varovedzerei vachiri kukura kuverenga semunyori!



Musi wechishanu 17 Nyamavhuvhu, 2012, nhengo dzeWriters International Zimbabwe (WIN-ZIM) dzainge dzakaungana paMusic Centre kuMt Pleasant uko vaidzidziswa nezvekunyora nyaya pfupi uyewo zvinyorwa zvakaita senhetembo nenovhero. Vainge vakaungana apa vaisanganisira vana vachiri kuzvikoro kubva kupurimari kusvika kumayunivhesiti neavo vasisiri muzvikoro. Zvidzidzo zvezvidobi zvekushandisa pakunyora izvi zvaitungamirwa naMemory Chirere uyo anove munyori anozivikanwa zvikuru mukunyora nyaya pfupi, nekuongorora zvinyorwa zvavamwe vanyori. Memory Chirere mudzidzisi paYunivhesiti yeZimbabwe kudivi rezvidzidzo zvechiRungu uye akanyorawo mabhuku anoti, ‘Tudikidiki, Somewhere in This Country, Toriro and his Dogs’ uye zvimwe zvinyorwa zvake zviri mumabhuku akasiyanasiyana.
Zvidzidzo izvi zvakauya mushure mekunge vose avo vainge vakaungana pachiitiko ichi vainge vapinda mumakwikwi ekunyora nyaya pfupi mururimi rwechiShona nerwechiRungu. Makwikwi ekunyora nyaya pfupi aya aitsigirwa nesangano rinonzi iro Zimbabwe Reads iro rinokurudzira kunyorwa nokuverengwa kwemabhuku. Makwikwi iwaya zvakarwe akaitwa nomubatirapamwe weWIN-Zimbabwe neGlobal Arts Trust. Chirere uyo aitungamirira zvidzidzo izvi mumwe wevanyori vemuZimbabwe vanonzwisisa kunyorwa kwenyaya pfupi zvakadzama.
Mushure mekunge nhengo dzeWIN-Zimbabwe idzi dzapiwa zvidobi zvekunyora, kwakazoita nguva yekupiwa mibairo kweavo vainge vaita rombo rakanaka mukunyora kwavo nyaya pfupi. Nguva iyoyi yakatanga nemutambo unosetsa uyo wakaitwa naToropito neumwe wake anonzi General Thompson. Vanyori vakaseka vakaoma mbabvu nokunakidzwa zvekuti pakapera mutambo vaisada kuti upere. Mushure mavo ndimo makauya muenzi airemekedzwa pachiitiko ichi anova iye Emanuel Sigauke uyo anozivikanwa zvakanyanya nekushambadzira vanyori vemuZimbabwe pasi rose nekuvabudisa pamadandemutande ake anoti, ‘Wealth of Ideas, Mototi Litscape, Chisiya Hills, Chemumbuyu,’ nemamwe akadaro.  Sigauke uyo anova mudzidzisi wechiRungu paCosumnes River College iyo inowanikwa kuSacramento munyika yeUSA, anozivikanwawozve nekunyora nyaya pfupi pamwe nenhetembo uyewo anooita zvekuongorora zvinyorwa zvavamwe vanyori. Sigauke ane bhuku rake reNhetembo rinonzi, ‘Foever let Me Go,’ uye nyaya pfupi dziri mumabhuku akaita saWriting Free, African Roar, nemamwe mazhinji.  
Emanuel Sigauke akakurudzira vanyori varikusumukira ava kuti vaverenge zvose zvavanoverenga sevanyori. Akati iye kuverenga semunyori hakusi kuverengera kunakidzwa nenyaya asi kuverenga uchitsvaga zvidobi zvakashandiswa navamwe vanyori izvo zvakaita kuti vave nemukurumbira kuitira kuti muverengi semunyori agowana kushandisa pamwe nekuvandudza zvidobi zvacho. Izvi, sekutaura kwaSigauke ndizvo zvinozosiyanisa munyori nemuverengiwo zvake.  Sigauke akakurudzirazve kuti vanyori varikusumukira ava vapotewo vachitumidzira zvinyorwa zvavo kumakwikwi ekunyora izvo zvinoita kuti vaonekwe neavo vanotsikisa mabhuku. Akaenderera mberi achiti, vanyori vanogona kutumira zvinyorwa zvavo kumamagazini ezvekunyora apemakoreji kunyika dzakasiyasiyana izvo zvinozovapa kuti vazivikanwe nevatsikisi vezvinyorwa. Sigauke akati kupota uchiendesa zvinyorwa kumamagazini kunoita kuti munyori ujairire kurambwa kwezvinyorwa zvako neavo vanotsikisa zvinyorwa uye zvigokupa hungu dzokuveza zvinyorwa zvako zvinehunyanzvi nehumhizha .
Mukutsinhira mashoko ekurambwa kwezvinyorwa nevanozvitsikisa, Monica Cheru-Mupambawashe uyo aiva iye aitungamira kufambiswa kwechiitiko chekupiwa mibairo yevakaita rombo rakanaka ichi akati aiva iye ainge amborambirwawo nyaya yake kuti ibude padandemutande raEmanuel Sigauke asi akazoshamiswa apo Emanuel akaita ongororo yebhuku rake rinonzi Chivi Sunset, akati kurambiwa kwechinyorwa hazvirevi kuti zvanzi chikanda kure chipo chekunyora, asi kuti zvinge zvanzi nyora neumwe mutowo uyewo kunzi munyori hunge uchiziva zvinodikanwa namamagazini akasiyanasiyana. Izvi akati zvinobatsira kuti kurambwa kwezvinyorwa zvemunyori kuve kushoma.

Comments

Popular Posts