Mapeto eZIBF Live Literature Centre

Vanhu vazhinji vanoziva musha weMbare semusha unowanikwa mbavha, makororo, magube, pamwe nemhondi. Vazhinji vanobva vati chiiwo chingabuda mumusha weMbare? Kana dzikasava mbavha bva kuda vangatova vatambi vetsiva kana vebhora. Zvino iyewo Mutumwapavi ndizvo here zvaangataura pachikuva chezvevadavadi. Chinondifadza ndechokuti mumusha mumwechete ndimo makabuda shasha yedzimbo dzechimurenga, uyuka Thomas Tafirenyika Mapfumo pamwewo nemadhara emusambo weJazz aya eMbare Trio. Zvinofadza kuti kana ivava vakuru ava vasisipo kune vamwe vachasara vachifambisa ndima yekufadza vanhu.
Musi weMugovera 4 Nyamavhuvhu 2012 kwakava nenguva yaitapira apo vakomana navasikana vePachena School of Arts (PASA) nevamwe vadetembi vakaita sanaMcfalin Guu vakapa vanhu vanofarira zvemabhuku mufaro. Chikwata chePASA icho chinowanikwa panzvimbo yeMatapi Creche kuMbare ndicho chakanakidza vanhu zvikuru. Vanhu vazhinji vaibvunza kuti chikwata ichi chainge chambobva nepi? Zvakadaro hazvo taiudza vanhu ava kuti chikwata ichi chine vakomana navasikana vechidiki chinowanikwa kuMbare. Chikwata ichi chakasiyana nezvimwe zvikwaka zvavadzani avo vanoshandisa mimhanzi yevamwe vaimbi. Icho chinotamba kumimhanzi yachakaimba chega. Vakomana navasikana ava vanotamba zvinofadza zvokuti vamwe vevechidiki vasingamiriri kungogara vasina zvavanoita. Vamwe pavanenge vamire pamazambuko vachiputa zvinodhaka ivo vanenge vari mushishi zvavo kugadzira dzimbo dzinokodza moyo pamwe nekutamba zvinoyevedza.

Comments

Popular Posts