ZIBF Musika wamabhuku

Vanyori vari muZIBF Indaba. 
 Zimbabwe International Book Fair musika wamabhuku. Pane imwe nguva kumashure uko ZIBF ndiwo waive musika wamabhuku wemberi kupfuura imwe misika yose muAfrica. Chakauya ndechakauya ndokubva wakoromoka hawo asi une matsimba asati agona kudzimwa neimwe misika yasimuka kuva mberi kwawo parizvino.

ZIBF yakasvika payakarongedza mabhuku zana akabudirira kupfuura mamwe muAfrika uye mabhuku makumi manomwe nemashanu akanakisisa kupfuura mamwe muZimbabwe.

ZIBF inotanga nemazuva maviri eIndaba kana kuti dare apo panosangana nyanzvi munhau dzemabhuku neuvaranomwe dzichitambidzana fungwa dzekuti bhuku ringavandudzwa sei. Nyanzvi idzi dzinenge dzichibva kuvadzidzisi vezvikoro, makorichi, mayunivhesiti, kumatura ezivo yemabhuku, kuvatsikisi vemabhuku, vatengesi vemabhuku nevadzidzi vekumayunivhesiti.



Vanyori vachimboseredzera hurukuro dzemuZIBF Indaba. Mufanikiso naTinashe Muchuri, 


Zuva retatu ndirovo iro vanotengesa mabhuku nezvimwe zvinoenderana nezvemabhuku vanenge vachirongedza misika yavo kuti vagozogona kutengesera vamwe vanouya muzuva rinotevera. Irori zuva ndirovozvakare vaya vanenenge vachida kutengeserana fuma yepfungwa vanenge vachitengeserana pamwe nevaya vanenge vachida kutsvaka nekupanana kodzero dzekutsikisa mabhuku kune imwe nyika ndiwo musi wavo iwoyu.


Musi mumwe zvakare ndiwo unenge uchiitwa dare revaduku (children’s indaba) apo vanduku vanenge vachiparurirwa hwaro hwekuti vangavawo vanyori sei uyevachizivisawo izvo zvinovashupa mukuverenga mabhuku.




Computer centre panodzidzira vana twakasiyana-siyana.

nzvimbo yeQuiz Show

Pamusoro pezvose izvi ndiyowo nguva iyo vaverengi vanowana mukana wekusangana nevanyori vemabhuku avakafarira kana kuvenga, uye ayo vanenge vachidzidza kuzvikoro. Izvi zvinovapa mukana wekukurukura navo zvavangada kuvhunza pamusoro pemabhuku aya kanawo pamusoro peupenyu hwemunyori kana zvimwewo zvavangada sevana. 


Children's tent.


Muzuva rechina rinenge rava zuva rekuti ruzhinji rwevanhu ruchiuya kuzoona mabhuku, kutenga, uye kutandara apo runenge ruchivaraidzwa neavo vanoita zvehudavadi padariro relive Literature Centre, kana kuendesa vana kunonzwa nyaya dzengano paChildren’s Tent kana kudzidzira zvekufambiswa kwemishina yamazuva ano panharaunda yeComputer Centre. Vana vanengewo vachikwikwidzana mumitambo yekurodza fungwa weQuiz Show kusvika muzuva retanhatu reguwerere remabhuku iri.

Children's Indaba.

Zviratidzwa zvamabhuku.



Gore negore ZIBF inoitwa kupera kwaChikunguru kupinda mumazuva mashoma emunaNyamavhuvhu kana kutiwo vhiki yekutanga yaNyamavhuvhu asi pamwe inogona kupfuudzirwa mberi zvekutozoitwa mukupera kwaGunyana kana muna Gumiguru, asi izvi zvinokitika kashoma kazhinji kana yavhiringwa nehurongwa hwesarudzo munyika sezvakaitika muna 2013 kana kuti kwaita kunyanduka nekupararira kwezvirwere zvinovenga kuvungana kwevena zvakaita sekorera iyo yaita kuti zviratidzwa zvamabhuku zvipfuudzirwe mberi nenguva isina kutarwa kusvika chirwere ichi chadzikamiswa.

©Tinashe Muchuri, 2018

Comments

Popular Posts