Dzikwa Trust Senior Group yosimbisa zvetsika nemagariro


Vamwe vechikwata cheDzikwa Trust Senior Group mushure mekuwana mubairo kuHarare International Carnival Award 2017 mumabiko akaitirwa paNew Ambassador Hotel muHarare svondo yadarika. Mufananidzo naTinashe Muchuri.

Chikwata cheAcLCOZ  mushure mekuwana mubairo wechipiri muchikamu chezvikoro nemayunivhesti. Mufananidzo naTinashe Muchuri.


Dzikwa Trust isangano rinowanikwa kuDzivaresekwa 2 pedyo nekirinika rinotsigira nherera nevana vanoshaya nekuvawanisa dzidzo.
Sangano iri rinoitisa vana zvidzidzo zvemitambo yakasiyana-siyana inosimbisa miviri pamwe nekutandadza nherera nevana ava mitambo yakasiyana-siyana iyo inoita kuti vana vabatsirike pakuumba ukama navamwe vavo.

Kubvira zvatanga guwerere reHarare International Carnival, Dzikwa Trust yange ichingobatidza kubudikidza nekudavadika kwemhando yepamusorosoro uye ichisimudza mikombe yekuva boka rinovaraidza vaoni vanounganira guwerere iri.

Muna 2014 Dzikwa Trust yakatambidzwa mubairo wechipiri (1st Runner Up) kuHarare International Junior Carnival uye mugore ra2015 yakawana mubairo wekutanga paHarare International Junior Carnival zvakazopa kuti Dzikwa Trust Senior Group rinomirira nyika yeZimbabwe kuguwerere rekuIndia rinonzi, Sarajakund Craft and Mela muna Ndira wegore ra2016 uko vakasiya mbiri yekudzana zvinonwisa mvura.

Dzikwa Trust yakavambwa mugore ra…. nedonzvo rebuatsira neherera nevana vanobva kumhuri dzinoshaya. Rinonyanya kushanda nevana vemunharaunda yeDzivaresekwa. Pamusoro pekubatsira nherera nevana vanoshaya sangano iri rinosimbisa zvemitambo yekuzvisimbisa pamwe nemitambo yetsika namagariro.

Zvimwe zvikwata zvakawana mibairo yeHarare International Carnival Awards mugore ra2017 ndizvo zviri padonongodzo iri pazasi iyo;

2017 Harare International Carnival Winners

1)      Zvikoro nemayunivhesiti

2nd Runner Up                         Harare Polytechnic
1st Runner Up                          Alcoz
Winner                                     Belvedere Technical Teachers College




2)      Traditional

2nd Runner Up                         Tashinga Traditional Dance (Chiredzi)
1st Runner Up                          Hwamanda Traditional Dance Troupe
Winner                                     Dzikwa Trust Senior Group



3)      International

2nd Runner Up                         Mozambique-Centro Cultural Academico Montalto-ISPM
1st Runner UP                          India-Manipuri Cultural Troupe
Winner                                     Brazil Momo King Group

4)      Contemporary

2nd Runner Up                         Zimbabwe Catwalk Models
1st Runner Up                          Zimbabwe Youth in Tourism
Winner                                     Christ Embassy

5)      Overall Winner                        Christ Embassy

Comments

Popular Posts