Vanduri venduri vekuMatabeleland ishasha dzekutora NAMA

Nyanduri Linda Gabriel uyo anozivakanwa zvakare sekuti Poet Angel achikurukura nemuimbi uye mutambi wemadhirama nemafirimu, Kessia Masona apo Poetic Angel aigadzirira kupinda mudariro kutandadza vaive vaunganira kupera kweguwerere reImages International Film Festival (IIFF) panzvimbo yeNational Gallery of Zimbabwe mugore ra2016. mufananidzo naTinashe Muchuri.



Mushure mekukurukura kwakasimba nenyaya yekuti vananyanduri vanondura nduri mudariro pamagungano, michato, misangano nenzvimbo dzemafaro vawanewo rurememkedzo rweNational Arts Merit Awards (NAMA) hunova hurongedzwa hwesangano reNational Arts Council of Zimbabwe uho hwaiitwa gore rega rega kubva mugore 2002 ruri ruremekedzo runopiwa kuvadavadi munyika yeZimbabwe. Urwu rurememkedzo runopiwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinodavadika zviri munyika kana kunge zviri kunze kwenyika yeZimbabwe zvinenge zvagona kudavadika kudarika zvimwe.

Kunyange hazvo hurongwa uhu hwakatanga mugore ra2002, apa vananyanduri vekundura nduri mudariro vaisaremekedzwa uye vaisava pakati pehurongwa uhu kunze kweavo vainyora vachitsikisa mabhuku enduri vachiverengwa pasi pareremekedzo rweNAMA pachikamu cheuvaranomwe. As mushure memakore gumi nerimwe muna 2013 ndipo pakazoonekwa zvakakodzera kupinza vadavadi veunyanduri pamwe chete nevanamasekesa avo vane hunyanzvi hwekusekesa vanhu ivo vanonzi vanoita komedhi.

Zvakadero hazvo pane rimwe bazi rakasiiwa pachikamu chekutaura mazwi ichi icho chinova chikamu chaanasarungano chinovazve ndicho chakabvira makare chine basa rekuvandudza fungwa dzavanhu pamwe nekurondodzera nhoroondo yekuvandudzika kweugaro kana kusagadzikika kweugaro hwavanhu mutsika nehunhu hwavo uye muzvigadzirwa zvavo. Nanhasi vanasarungano vanotsutsumwa kuti sei ivo vasati vawaniswawo mukana wekuwana ruremekedzo urwu.

Kubvira zvatanga ruremekedzo urwu vananyanduri vanobva kuMatabeleland ndivo vakawanda vagona kusimudza ruremekedzo urwu. Mukuvamba kwarwo ruremekedzo urwu rwakaindawo kuMasvingo kunanyanduri anonzi Tatatenda Chinoda uyo anosheedzwa achinzi Gwenyanduri Chinoda. Kubvira 2013, ruremekedzo urwu haruna kuzobuda munzvimbo dzekuMatabeleland. Iri idunhu rinozikanwa zvikuru nekushandisa nduri pakupembedza madzimambo uye pamitambo yavo mizhinjisa. Kubva 2013 kusvika parizvino Tinashe Tafirenyika ndiye gona kupiwa ruremekedzo urwu kwemakore maviri akatevedzana.

Pasi apa pane donongodzo yeavo vakawana ruremekedzo rweNAMA kuvanduri venduri kubvira mugore ra2013.


Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechipiri (2013)
Nyanduri wemhando yepamusoro:                 Tatenda Chinoda

Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechitatu (2014)
Nyanduri wemhando yepamusoro – Obert Dube

Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechina (2015)
Nyanduri wemhando yepamusoro - Likhwa Ncube

Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechishanu (2016)

Nyanduri wemhando yepamusoro - Philani Nyoni


Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechitanhatu (2017)

Nyanduri wemhando yepamusoro – Tinashe Tafirenyika



Akaremekedzwa kuva nyanduri wemhando yepamusoro muNAMA yegumi nechinomwe (2018)

Nyanduri wemhando yepamusoro – Tinashe Tafirenyika



© Tinashe Muchuri, 2018


Comments

Popular Posts