Churu chii?

Churu. mufananidzo naTinashe Muchuri, 2017



Churu idutu reivhu rinoumbwa nemajuru apo anenge achivaka musha wawo. Muchuru ndimo munogara majuru emhando dzakasiyanasiyana. Kune churu chinovakwa nemajuru makuru asi zvuru zvemhando iyi zvishoma. Zvuru zvihinji zvinovakwa nemajuru maduku anonzi erushwanhi kana kuti rushswani anova akatsvukuruka zvakangavira.

Muchuru ndimowo munobuda ishwa, idzo dinodaidzwa navamwe kuti shwarara kana kuti musherere. Shwarara dzinodyiwa semajuru asi zvinozosiyana kuti majuru haabhururuki asi idzo dzinemapapiro uye dzinobhururuka.

Muchuru ndimo munogara zimai remajuru iro risingabudi panze panobuda mamwe majuru achienda kunotsvaka chikafu. Zimai remajuru rinonzi rinogara pasi pechuru uye rinochengetedzwa nemajuru kuti risauraiwe. Zimai remajuru rinonzi ndiro rinobereka majuru muchuru ichi. Kana iro rikafa churu chinobva chashaya anochivakurudza nguva nenguva kuri chive musha wakaisvonaka. Kuri zimai remajuru riurawe zvinotoda vanhu vakasimba uye vane uchechenjeri vanoziva nekugona kuchera pasi.

 Churu ndicho mucherechedzo wekushanda nesimba pasina mukarirano kwemasvosve.  Mujuru zvimajuru zvidiki izvo zvinenge zvisati zvakura zvine tudumbu tuchena ayo anoita basa rekutakura uswa netumiti achituendesa kuchuru uye imwe nguva tuchikwira nemadziro edzimba kana miti apo tunoumba tudzimba tweivhu twunonzi mujuru kana muchenje ivhu racho rinofarirwa kudyiwa nemadzimai akazvitakura.

Churu chinezvirevo zvakaumbwawo kubva pachiri. Kunyange churu chichivakwa netunanaira tuduku utwu, chinokura zvokuti rume rimwe harigoni kuchikomba riri rega zvakaita kuti vachenjeri vekare vaumbe tsumo inoti, rume rimwe harikombi churu. Zvichitevera kugona kushandirapamwe kwemajuru, vachenjeri vekare vakaumba chimwe chirevo chekusimbisa simbe kana nyapura kana vaya vanabadza ihosha kuti vacherechedze kushandidzana kwakanaka kunoita majuru kuti naivowo vadzidze kuzvishandira pamwe nekushandidzana navamwe zvakarungama. Simbe enda kumujuru uone. Zvakadaro kana churu chavakwa chavapo chakura, chinenge chakangoti mbi pasina kwachinofamba chichiende chichiratidza kusava neupenyu. Izvi zvakapawo vachenjeri vekare kuvaka chimwe chirevo chinotaura nezverufu. Mutumbi wemumhu afa unonzi chave churu, kana munhu achinge ava zvakare anonzi ava churu.

naTinashe Muchuri 2018

Comments

Popular Posts