Mwana weinda anonzii?

Inda kapuka kadiki chose kanonanaira ako kanofarira tsvina. Kanogara muvhidzi risingagerwi uye kusagezwa pamwe nemachira anoitirwa weti kana kusasukwa. Inda inosveta ropa reuyo akaitakura. Pane tsumowo idzo dzinobva pamaitiro enda.

Kusara pachena seinda iri mubaravara. iyi itsumo inoreva kuti munhu kana chinhu chinenge chasiiwa pachena zvekushaya pekuhwanda zvokuti hapana kusaonekwa kwachingaita nekuti baravara musoro usina vhudzi. Baravara rinogona kunziwo musvuu kureva kuti vhudzi rinenge ragerwa zvokusara risisaoneki. Imomo ndimo munenge monanaira inda isina pekuhwanda.

tsumo yepiri inoti, Une utsinye seinda inoruma akaitakura. Iyi inoreva kuti munhu anenge achitadzira uyo anomubatsira.

Zvakadaro nyaya yandanyorera chinyogwa chino ndeyekuti vanhu vanetsa nekuda kuziva kuti mwana weinda anonzi chii? Mwana wenda anodaidzwa zvakasiyana-siyana kusiyana nenzvimbo inobva munhu.

Kune mamwe matunhu ekuManyika vanomuti anonzi garridza asi kumatunhu ekuMasvingo anonzi gadzanda uyewo kumatunhu ekuMashonaland vanomuti rakadzi. Naizvozvo mwana weinda anonzi - garidza, gadzanda, rakadzi

Comments

Post a Comment

Popular Posts