Edwin Hlatywayo anoti udavadi haudzidziswi hunovandudzwa

Mimwe yemifananidzo yakatarwa naEdwin Hlatywayo ichiratidzirwa paNDAFA muna 2016. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 2016. 

Muenzi akakosha achiningire mifanikiso yakatarwa ndiEdwin Hlatywayo paPaiyapo Arts Development and Heritage Centre paguwerere reNDAFA. Mufanikiso naTinashe Muchuri, 2016





Kana budiriro ichipinda munyika yava namaguta amazuva ano inotanga kubudikira nwmumadhorobha ichisiya avo vari kumaruwa. Mhosva yekusiiwa kazhinji inenge ichinzi ndeyekushaikwa kwemari inozoita kuti vane ruzivo nezvibatso zvebudiriro vagone kutambanudza ukama hwavo nevadavadi vemhando dzakasiyana-siyana. Izvi zvinoita kuti kana vanyori votaurwa vanoonekwa vari mumadhorobha kunyanya kudarika mumamisha. Kunyange vmavezabwe, vapfuri veutare, vatari vemufananidzo vanoonekera ndevari mumaguta kudarika vekumaruwa.


Edwin Hlatywayo mumwe wevadavadi vekumaruwa vanosangana nezvigozhero nekuda kwenzvimbo yavanobva zvinoita kuti kana usina kusimba pamusoro pazvo unopedzesera wanyara kuramba uchitevera zvido zvemoyo uye chipo. Takakurukura tasangana paguwerere reNdau Festival of the Arts mwaka wapfuura.


Hlatywayo mutari wemifananidzo kunyanya kunyange zvake achipota achimbovedzawo hake miti nemabwe zvishoma. Apo takawana mukana wekukurukura, akati iye nyika inorasikirwa nepfungwa dzakadzama nekuda kwekuti idzo njere nepfungwa dzekumaruwa hakuna varikunyatsodzikohwa vachidziunganidza kuti dzive hwaro hwakasimbisa budiriro yenyika yeZimbabwe.


Hlatwayo uyo anotara mifananidzo yevanhukadzi vakasvusvukidza vamwe vanhu kuti vavarire budiriro munyika anoti iye haana kuwana paakanyatsowana ruzivo rwekuva mudavadi anotara mifananidzo kunze kwekutara mufananidzo muzvidzidzo zvake zvekudanho redzidzo repuraimari.


“Ini ndaiva nyanzvi pakutara mifananidzo zvekuti vadzidzisi vake vaibva vaita kuti ndivagadzirire machati aibatsira kudzidzisa vana mukirasi zvekuti vamwe vana vachienda kunotsvaira ini ndaitariswa mifananidzo yemoyo wemunhu pamwe nenzira inofamba nechikafu chadyiwa nemunhu mumuviri wake,” akadero Hlatywayo.


Zvakadero hazvo anogwadziwa nekuti hakunawo zvikoro zvepamusoro zvinovandudza hunyanzvi hwekutara mufananidzo uhu kunyange achiti hudavadi hahudzidziswi asi hunoberekwa nahwo uye mudavadi anongoda kunovandudzwa kukoreji kana kuyuniversity.


“Zvinosuwisa kuti hakuna zvikoro zvinosimbisa nyaya yekutara mifananidzo kana zvimwe zvehudavadi. Kunyange hwaro hwedzidzo hwakavandudzwa huchisanganisira zvidzidzo zvehudavadi izvi handisati ndaona chikoro chesekondari kana puramairi chiri kusimbisa zvidzidzo izvi senzira yekuti zvive basa mune ramangwana remwana,” Hlatywayo akadero.


Hlatywayo anoti iye hudavadi chipo chekuzvarwa nacho uye anohudaidza kuti hudavadi hwemoyo uye anotaurirana nemifananidzo iyo anenge atara.


“Nguva zhinji kana zviya ndapedza kutara mufananidzo, iwo mufananidzo unotaura neni uchindiudza pose pandinofanira kukwenenzvera pahudavadi hwangu. Ndinobva ndadzidza chimwe kana zviviri zvekuvandudza pamufananidzo unotevera,” akawedzera achidero Hlatywayo.


Muzimbabwe mune zvikoro zvakawanda chose zvava kudzidzisa zvidzidzo zvehudavadi hwekutara mifananidzo, kuveza mabwe kana miti kana kudavadika nekubatanidza simbi zvinosanganisira Harare Polytechnic, Chinhoyi University of Technology, National Gallery of Zimbabwe asi Hlatywayo anoti akamboedza kutsvaka nzvimbo achiishaiwa. Apo akazoiwanawo akabva atambudzwa kuti iye haana kuwaniswa mukana wekuita kosi yaaida ichipihwa avo vakaita zvidzidzo zvekusona kugadzira mbatya pazvidzidzo zvavo zvefomu yechina (O’ Level) izvo zvakazoita kuti asarudze kuita chidzidzo cheJogirafi.


Hlatywayo uyo anofarira kutara mifananidzo yake munguva dzehusiku achinakidzwa nekunyarara kwekunze kuriko munguva dzehusiku anoti anoshuvira kuti nerimwe ramazuva awane kuvandudzwa pashuviro nechipo chake.


“Ndinoda kuvandudzwa pamwe nekuvandudzawo vamwe. Ndinodisa chose kuwana mukana wekuvandudza vana vechikoro nekuvapa hunyanzvi hwehumhizha hwekutara mifananidzo uku. Izvi hazvisi nyore kuzviita kana usiri mukati mehurongwa hwekudzidza kwevana muzvikoro asi kana uri pachikoro unogona kuva nekirasi kana kuvamba kirabhu inoita zvehudavadi,” anopamhidza achidero Hlatywayo.


Kunyange mifananidzo yaanotara isinganyanyi kutengwa muruwa maagere uye vamwe vanhu vachimuseka kuti munhu asingashandi basa rinotarisirwa navazhinji acharamba achiita zvekutara mifananidzo uku.


“Ndinoziva kuti richasvika zuva vamwe vanhu vachauya kuzotenga mifananidzo yandinotara. Kunogona kusava nhasi kana mangwana asi vachauya havo nerimwe remazuva. Izvi zvinondipa samba kuti nezvishoma zvandinowana izvozvo ndirambe ndichitenga pendi yekutarisa mifananidzo iyi,” anotustsira kudero Hlatywayo.


Kunyange vavamwe vevavakidzani vake vachimuseka serovha, vabereki vake, hanzvadzi dzake pamwe nevanin’ina vake vanomutsigira uye vachitoziva kuti anoshanda husiku.


Hlatywayo anotiwo anodisa chose kuti kana akazowana mari amboratidzirawo basa rake mumagarari makuru akaita seNational Gallery of Zimbabwe iri kwaMutare, Harare nekumwe kose kana kunze kwenyika. Gore negore anotakura mifananidzo yaakatara ane chinangwa chekuitengesera vangaida paguwerere reNDAFA rinoitirwa paPaiyapo Arts Development and heritage centre asi vashoma vanotenga basa rake achiti zvinokonzerwa nekuti vazhinji veko havasati vanyatsonzwisisa kukosha kwekushongedza dzimba dzavo nemifananidzo yakaisvonaka iyi.


naTinashe Muchuri, 2018

Comments

Popular Posts