MaMoyo ko chivakashure chinorevei ma pana MaMoyo

ChiShona chinotapira chose kana wachida. ChiShona chinonakidza chose kana chakupinda muropa. ChiShona chinozipa kudarika muto wenzimbe yarohwa nechando. Ngatitambei tirimo muChiShona. Kudzidza hakuperi, kumwe kunouya mukutandara kumwe mukushanda kumwe mukufamba.


Wakauya muvhunzo kwandiri nevamwe pamusoro pekuti ko iyo ma inovakashure kwaMaMoyo inombomirirei uye inorevei. Kumashure uko mudara muno takambotaura nezvekuti vanhukadzi vekwedu vaidaidzwa kunzii zvichisanduka nezera ravo kubva pakubarwa kusvika pakuchembera.


Kana zviya mwanasikana achibarwa anotumidzwa zita rake. Vamwe vanoti anodudzwa zita rake. Zvino kana apiwa iri zita, ndiro raachadaidzwa naro kusvika musi wekuwanikwa kana kuroorwa. Kana asvika zuva rokuroorwa murume anoenda achindobvisa fuma kana roora haasviki achiti ndauya pano kuzoroora MaMoyo. Anosvika achiti ndauya kuzobvisira roora mwanasikana wenyu anonzi, Rutendo. Kana zvadai pfuma marooro obva atanga kufambiswa.


hezvino mwanasikana asvika kumusha mutsva kunova ndiko kumusha kwemurume wake. Asvika uku, musikana haachadaidzwi kunzi Rutendo zita rekubarwa naro. Anobva anzi vekwake vanoera mutupo upi? Zvonzi anoera Moyo. Zvadai kudaidzwa kutsva kunovamba. Ndipo paanenge onzi MaMoyo. Senzira yekuti mwanasikana ajaire, anogona kudaidzwa nezita irori kunyange asati aroorwa. Asi kashoma nekuti kana kare kana mwanasikana nemwanakomana vasati varoora vaisagadzikwa mumatare. Kumatare emusha kwaienda vanenge varoorwa kana kuroorwa.


Zvino zita riya rokuti MaMoyo rauya, rinoreva zvinhu zvinotevera. Kutangira zvose zvinoreva kuti uyu mwana wekwaMoyo. Kechipiri zvichireva kuti uyu mwana wekwaMoyo akaroorwa. Kechitatu zvinonongedzera kuti mwana wekwaMoyo uyu ava amai mumusha makaroorwa. Saka 'ma' iya inonetsa vamwe kuti inorevei, inoreva kuti hounoi munhukadzi akaroorwa uye ava mai nekudaro anofanira kuremekedzwa saMaMoyo semunhu achangoroorwa.


Kune mamwe matunhu anogona kuramba ogonzi MaMoyo, kune mamwe matunhu mushure mekuita mwana MaMoyo anenge ava kunzi Mai Rugare. Zvino kana ava nevazukuru vake, anenge ava kudaidzwa zvakare kuti mbuya vaRugare. Nekufamba kwenguva apo anenge ave kuchembera, kudaidzwa kuya kunobva kwacanduka zvakare. Zita rudiki rinodzoka mudariro zvino. Zvinonzi munhu paanenge achikura anenge achidzokera pakuva mudiki naizvozvo nezita rake reudiki rinobva radzokera zvakare. Rutendo wedu anenge ave kusheedzwa kuti Mbuya Rutendo kana kungoti, VaRutendo.


Ndinovimba kuti zvakuitirai zvakanaka. Kana munewo zvimwe zvamungade kututsira aiwa rino idara harizari nembesa imwe. Ngatiitei konde konde tichengetedze udzamu hweruzivo rwedu rweChiShona.

wenyu wekuseka,


Tinashe Muchuri


Comments

Popular Posts