Harare International Carnival 2018 yoperera paGlamis Stadium

CEO weZTA nevamwe vakawana mubairo pamaHarare International Carnival Awards a2017 akaitirwa paNew Ambassador Hotel muHarare.


Vachitaura pamabiko akaitirwa avo vakakunda mukuvaraidza vaoni veHarare International Carnival yakaitwa mugore rapfuura awo akaitirwa muRainbow Room paNew Ambassador Hotel mumazuva mashoma apfuura CEO weZimbabwe Tourism Authority (ZTA) Karikoga Kaseke akati guwerere regore rino iro richaitwa munaGumiguru muguta reHarare harichapereri paFreedom Sqaure asi kuGlamis Stadium.





Vamwe vevakawana mibairo yeHarare International Carnival Awards 2017.


Izvi zvaitwa zvichitevera hurukuro dzakaitwa pamusangano wakaitwa pakati pevatori venhau nesangano reZTA apo sangano iri raitura hurongwa hweHarare International Carnival panzvimbo imweyo apo vatori venhau vainyunyutra kuti paFreedom Square panosimuka guruva rakanyanya iro rinozoita kuti vadavadi vasanyanya kuonekwa zvakanaka.



Nhengo dzeDzikwa Trust dzichiratidza mubairo wadzo. Mufananidzo naTinashe Muchuri.



Kaseke akati chichemo chevanyori venhau chakatambirwa naizvozvo guwerere regore rino raizonoperera muGlamis Stadium munova musina guruva rakanyanya zvinova zvawedzera nzvimbo yekufamba kwevadavadi vose vachange vachibatidza muchiitiko chakakosha mukushambadza nyika ichi.

© Tinashe Muchuri

Comments

Popular Posts