Cholera yatadzisa maguwerere matatu kuitika munyika

Chirukwa chaCemwayo chairatidzwa paNDAFA yegore ra2016. Mufananidzo naTinashe Muchuri.


Tsika namagariro inhaka yemutambidzanwa. Vana vechikoro vachiridza ngoma yemuchongoyo paNDAFA 2016. Mufananidzo naTinashe Muchuri.



Kunyunduka kwaita korera munyika kwakonzera maguwerere matatu kupfuudzirwa mberi mushure mekunge kunyanduka kwekorera uku kwaitwa dambudziko renyika (national disaster).

Guwerere rakatanga kuzivisa nezvekufambisirwa mberi kwehurongwa hwaro nderezvezviratidzwa zvemabhuku pamwe reZimbabwe International Book Fair (ZIBF) iro rinoitwa gore rega rega panzvimbo yeHarare Gardens pamwe nepaMonomotapa Crown Plaza Hotel. ZIBF inowanzoitwa kupera kwemwedzi waChikunguru wegore rega rega uye richigona kupinda mumazuva mashoma ekutanga kwemwedzi waNyamavhuvhu.

Zvichitevera hurongwa hwesarudzo munyika uhwo hwaiitwa musi wa30 Chikunguru, hurongwa hweZIBF hwainge hwapfuudzirwa pamberi nekuti zvaisagona kuti vanhu vagone kufamba vachiunganira kuzova paZIBF vachikundikana kupinda musarudzo chinova chiitiko chakakosha munyaya dzekufambiswa kwebudiro nekutungamirira nyika, naizvozvo hurongwa uhwu hwakabva hwanzi hwoitwa mumazuva anoti 24-29 aGunyana wegore rino.

Mushure mekunge mekunge korera yanyanduka, sangano rinorongedza hurongwa hweZIBF rakabva raona zvakakodzera kufambisa hurongwa hwaro mberi vasina kudoma zuva rahuchaitwa vakamirira kuudzwa nebazi rezveutano kuti kupararira kwechirwere chekorera icho chinokonzerwa nehutsvina hwekusagona kurasa tsviana yavanhu zvine utsanana kwanza kwamiswa.

Kuburikidza netsambagetsi yakatumirwa hukokwa hwese hweZimbabwe International Book Fair neakafanobata chigaro cheExecutive Board reZimbabwe International Book Fair Association (ZIBFA) rinova sangano renorongedza guwerere reZIBF, Jasper Maenzanise akati, “Nekuda kwenyaya yehutano uye kurambidzwa kwamboitwa magungano  munyika, zviratidzwa zvemabhuku uye hurukuro zvegore ra2018 (2018 Book Fair Indaba and Exhibition) zvapfuudzirwa mberi kusvika mazoziviswa. Tichamirira kunzwa kuvakuru varikuona uye kuongorora mamirire ezvinhu.”

Rimwe guwerere rakakangiswa zvakare kuitika ndereDzimbahwe Arts Festival rinotungamirirwa neGreat Zimbabwe University inowanikwa kuMasvingo rakapfuudzirwa mberi zvakare mushure mekunge kunharaunda iyi kuchinge kwanzi kwaitika dambudziko rekupararira kwechirwere chekorera. DAF yaifanira kunge ichitora nzvimbo mumazuva munguva ino asi zvakadaro rapfuudzirwa mberi zvakare.

Guwerere reTatu rakapinda njovoringo yekusaitika sekurongwa kwazvanga zvakaitwa ndereNdau Festival of the Arts (NDAFA) iro rinoitikira mumusha maMutape Bangira kuChikoro kwaMambo Musikavanhu iro raifanirwa kuitwa musi wa22 Gunyana rakapfuudzirwa mberi nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere chekorera icho chinonzi chinonyanya kupararira zvakanyanya panzvimbo panenge pakaungana vanhu.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kweguwerere iri anoti iye akaona zvisingaiti kuti aenderere mberi nekufambisa hurongwa hweNDAFA nenyaya yekutyira korera. NDAFA iguwerere rezuva rimwe rinoratidza tsika namagariro evaNdau kuburikidza nezvekudya zvinobva muminda uye musango, kudzana, zvivezwa, mifananidzo yakatarwa, nziyo uye zvekushandisa mudzimba, kumunda, kana musango.

Dhairekita webhodhi reNDAFA, Phillip Kusasa anoti mushure mekunzwa kubva kuvazhinzji nenyaya yekunyanduka kwechirwere chekorera nyika yose anoti vambopfuudzira hurongwa hweguwerere iri mberi.

“Tine hurombo kuti hatichagoni kuhambira mberi nehurongwa hweNDAFA ngekuda kwekupararira kwekorera munyika. Zvakadaro, tichange tichiringire mahambire anenge achiite zviro kunyanye kuhwe kuMinistry of Health kuti tiambe kurongedzahe,” akadaro Kusasa mumashoko aakatumira kubudikidza neWhatsApp. 

© Tinashe Muchuri, 2018



Comments

Popular Posts