Zvinotevera kushanda

kana wasimba neyako ndima
mukati mairo rima rezhizha uchishingairira
kutsvanzvadzira yako nzira
kuti ubude muiri rima romuninga
mazwi anoseka uchihwa kuri kuda kukushaisa tariro
iwe rambei mberi kweninga wakaringa
kutsvaka chiedza chinokusvitsa iko
kwawakananga kunyembe yako yomubairo
iyo yakakumirira kupodza marwadzo
okutsvedza uchikuvara mumabvi nemagokora
paya pawaupfugama kuzorora wakaita mhandarukokora
uchivaka tariro yeiro zuva zvose zvinotevera kushanda
nhamo inodaka ipo pane unyope neruchiva
mufaro uchitevera pane chinoganda chiri pangoro
kunyagodhoma kwaro zuva iwe uchipukuta neruoko uchirikanda pasi
kuvavarira nhaka yevachauya mangwana watama
ivo vozogara vachirangarira ugamba
ushasha hwakaonekwa nekubata mukati meiri rima
muninga uchipiringishana nazvo zvikara zvinotevera vakatungamira
matsimba erako dzinza uchimhumhudzira
murimaro usingambocheuki
zvichiita sokuti hauchabudi asi iwe uchiti kunyepa
nhaka ndiyo yandinoda kusiya
kwete yevanopemha asi yevanosisina dikita rezvavodya
zvose zvikatevera wani nhai chinoganda chiri pangoro
nhasi toona riya raisava basa hubasa hwaro
nhasi zvopembedzwa zviya zvataisaona sezvine basa
vaisirovana maoko vachiseka voti wava namakona
pane rimwe rakatobuda rokuti wakaishandisa mai kuti uve neiyi nhaka
iwe nekuziva rako dikita ukati paiwo pasingataurwi mavi
mauuya anotevera simbe kubva kusimbe mumatare esimbe
mavi achitevera magamba kubva kusimbe mumatare esimbe
ndizvoka, zvinotevera kushanda
mhururu inoridzwa nevaguta zvemaoko ako
asi varipo vanobaya dura nepfumo vaguta
kukanganwa nhamo yenzara yakavapa kupemha
kana naiye wakavanyaradza rumbo rwekupemha

Comments

Popular Posts