Be Breast Aware/ Ziva nezvegomarara ramazamu

Musi weMugovera 13 Gumiguru, kwaiva kumakuwerere kuBook Cafe uko vanasikana vemuZimbabwe vanoita zvehudavadi, vachiri kusumukira nevave namazita vaitaura nezvechenjedzo yegomarara ramazamu mumwedzi uno waGumiguru unova mwedzi unotaurwa uye kupiwa chenjedzo yezvegomarara. Paivawo navarume vaivawo pamwe navanasikana ava kuvatsigira mukucherechedza nyaya yechirwere chegomarara ramazamu iri. chirwere ichi chakanzi hachibati madzimai chete, kana varumewo vanoita chirwere chegomarara remazamu iri.Mifananidzo iyo ndiyo yevamwe avo vaiva pachiitiko ichi. Gomarara remazamu ranetsa munyika yeZimbabwe zvokuti mutevedzeri wemukuru wamakurukota muzvare Thokozane Khupe umwewo wevamwe vakasangana nedambudziko iri kunyange havo vainge vasipo pachiitiko ichi semunhu ane basa rakawanda.
Rutendo Chigudo uyo aiva iye mushamarari achikumikidza Linda Gabriel aka Poetic Angel mudariro kuti adetembe semutembi airemekedzwa zuva iri.
Moreblessing Size naLinda Gabriel vachinakidzwa zvavo vakamirira kuti Linda semudetembi anoremekedzwa agoenda mudariro kundosetsa nokudzidzisa vainge vakaungana pachiitiko che Sistaz Open Mic chasive nedingindira rekuti be breast aware/chenjerera gomarara remazamu.
Linda Gabriel aka Poetic Angel achiita detembo rake rinonzi Funneral Gossip/Makuhwa apanhamo.
Linda Gabriel aka Poetic Angel achiita detembo rake rechipiri rinonzi Sins of Our Mothers/Zvivi Zvamadzimai edu.
Umwe wevaimbi vechidzimai arikusumukira anonzi Masi achangobura dambarefu rake idzva rinonzi Chishuwo achitandadza vainge vakaungana muBook Cafe.

Comments

Popular Posts