National Arts Merit Awards yoremekedza vananyanduri nemenduru





Mumakore mazhinji adarika vananyanduri vaitsutsumwa nekuti NAMA haisi kuvaremekedza apo yaivasiya pahurongwa hwayo hwekupa vadavadi vanenge vadavadika zvine hunyanzvi mundima dzavo dzohudavadi dzakasiyanasiyana. Izvi zvaisakiswa nokuti NAMA yaivewo isina menduru yaipiwa vananyanduri pahurongwa hwayo hwekuremekedza vadavadi uhu. Kutanga gore rino apo NAMA ichange ichiremekedza vadavadi vakabata basa zvine hunyadzi mugore rino rose, muna Kukadzi wegore rinouya, vananyanduri vachange varipowo vachinyemwerera kuvapo kwemenduru yekutanga kupiwa nyanduri izvo zvainge zvisati zvamboitika kubvira zvakatanga hurongwa hweNAMA uhu.
Hurongwa hwekuremekedza vadavadi vane udavadi hwakasiyanasiyana munyika yeZimbabwe hweNational Arts Merit Awards hwakaoneka huchikumikidza zvikamu zvitsva zvokuremekedza vadavadi. Pazvikamu zvitsva izvi zvinosanganira izvo zveavo vanoita hudavadi hwehunyanduri pamwe nekusetsa vanhu. Vadavadi vemuchikamu ichi vavakuzopiwawo menduru dzokugona basa kwavo mundima dzavo zvichaitika muchiitiko chekupa menduru ichi icho chichaitwa muna Kukadzi wa2013 mudhorobha reBulawayo. Izvi Zvauya mushure mekunge avo vanoita zvehudavadi vainge vachinyunyuta nekusaremekedzwa muchiitiko chakakosha kudai uye chinosumudzira zvikuru.
Vananyanduri vandakataura navo vakaratidza kufara zvikuru nekuda kwemenduru yeNAMA iyi. Robson Shoes uyo anozivikanwa nezita rekuti Shoes Lambada akati iye, "Ndinofara zvikuru uye ndinotambira chiitiko ichi nomufaro. Asi ndichishuvira kuti panguva inotevera hurongwa hweNAMA uhu huwedzere menduru dzokuremekedza vananyanduri nokuti kuna vananyanduri vanengewo vava nemaVideo, koitawo vanenge vatsikisa hutaurwa hwavo, kotiwo ivo vanasarungano." Umwewo akafara kuti zvinhu zvaita kuti kwava nemenduru yavananyanduri ndiMichael Mabwe uyo anozivikanwa nezita rebasa  rekuti 'Mwanakomana' akati iye, "NAMA yaita chinhu chakanaka chaizvo nokuti tanga takazvimirira kwenguva refu chose. Chatisingazivi zvedu ndechekuti vachashandisa nzira ipi kusarudza anenge akunda vamwe vose.' Umwewo nyanduri wekuMasvingo andakasangana naye panguva yemutambo weDzimbahwe Arts Festival anonzi Pamhiri Chenjerai akati iye, 'Ichi chiitiko chakanaka asi chete kungoti izvozvi menduru inogona kunge yakagadzirirwa umwe nyanduri. Hatizivi chete kuti nyanduri wacho ndiyani!' 
Elizabeth Muchemwa anoti iye, 'Ndinogashira nyaya yeNAMA iyi seruremekedzo rukuru kunananyanduri pachavo uye kumusambo hwehudavadi wehunyanduri. Zvinofadza kuti NAMA yakuona kuti hunyanduri chitoriwo chimwe chikamu chekudavadika chakazvimirira choga uye kuti chinofanira kuremekedzwa kuitira kukurudzira vananyanduri kuti vanyatsoita basa namazvo."  Primrose Dzenga anotiwo iye, 'Aiwa, ahhh, tafara isu, asika dambudziko rava rekuti tichinyora zvinonwisa mvura, ahhh hapana chisina chachakaipira'.
Hecho chitsvambe kwamuri vananyanduri chekurova basa sebasa. Kwamuri imi vanaTatenda Chinoda, Abel Mauchi, Chenjerai Mazambani, Bhekhumusa Moyo, Siphosethu Mpofu, Mgcini Nyoni, Likwa Ncube, Philani Nyoni, Standandekhile Dube, Elizaberth Muchemwa, Teresa Muchemwa, Ticha Muzavazi, Soprofound, Madzitatiguru, Kiss, Batsirai Chigama, Moreblessing Size, Aura Kawanzaruwa. Xapa, Mbizo Chirasha, nevamwe vazhinji heyo menduru yamaichemera iya.
Zvino veNAMA vanoti, avo chete vakagona kunyora zvitsva kubva musi wa1 Zvita 2011 kusvika musi wa30 Mbudzi 2012 ndivo chete vanogona kupinda mukusarudzwa kuva mutakuri wemenduru yehudavadi hwehunyanduri iyi. Avo vose vainakidzwa nokuimba 'dzokorora ndanzwa kunaka', votomirira mwaka unotevera vave nezvitsva. Chete kungoti hazvo nguva haisati yapera, pachine mukana mukuru wekuti avo vasina zvitsva mumwaka uno vagadzire zvitsva zvavo zvemwaka uno kuti vagone kupinda mukuremekedzwa uku. Nyanduri pakadai ndinoziva kuti haadi kusaririra shure semuswe. Zvino kana wati haudi kuita hwemuswe, veNAMA vanoti unofanira kuti paya paunenge uchidavadika paya, wochitorwawo vhidiyo iyo inozoshandiswa nenyanzvi dzinosaruda nyanzvi yakarova nduri pamberi pavanhu kuti vaone umhizha hwako sanyanduri.
Chidavadikai zvine unyanzvi vanemeso vaone uyewo vane nzeve dzokunzwa vanzwe kuti vagokupaiwo ruremekdzo rwemenduru iyi.  Tisingakanganwi avo vakavhura mwanza mune zvekudetemba izvi vanoti, Paul Damasane, Albert Nyathi, Chirikure Chirikure naIgnatius Mabasa.

Comments

Popular Posts