Ndiri chii mumuunganidzwa uyu 2

Ndainge ndichizvifambira zvangu mudhorobha ndokuhwa vanhu vachitaura nyaya yekuti vaida kuenda kune nyika iri kunze kweZimbabwe. Vaitaurirana vachiti ivo vaida kundobhadhara mari yekupiwa mvumo yekuti vapinde munyika iyoyo, iya inodaidzwa kuti visa. ndakaita kunge ndinorota zvangu ndichifunga kuti vaviri ava vaitaurei. Asi ndiri mukati mehope imomo ndakanzwa umwe wavo oti zvinhu zvinoda dzimwe nyika zvinonetsa, unonzi unofanira kuva nepasipoti rekunyika yechibarirwe kana iyo yawakatamira, pamusoro pazvo vanotodawo kuti uvewo nevisa futi? Ndipo pakazondishamisa ipapa. Ko zvazvinonzi pasi rose rangova mana rimwe chete, ko sei vamwe vanhu vachirambidzwa kupinda mune dzimwe nyika kana vasina mavisa? Ko sei kana pasi rose rava mana, vamwe vanhu vachitorambidzwa kushanya kune dzimwe nyika? Seizve vamwe vanhu vachirambidzwa kufamba zvakasununguka mumana ravo? Rimbori mana rani rinotaurwa kuti ndiro pasi rose rava mana iri?
Nyaya yavaviri ava yakandisvitsa kure chose. Ndakaenda kure ini. Kurekure uko ndakatanga kufunga kunyange nekudzidza kunoitwa Bhaibheri nevana vechikoro. Hazvinei kuti vana vanodzidza rugwaro rwefomu yechina kana yechitanhatu. Vose ava vane mabhuku avanosarudzirwa kudzidza nezvawo. Izvi zvinoreva kuti vadzidzi ava havabvumirwi kupinda mune mamwe mabhuku emubhaibheri kana vachida kukunda zvidzidzo zvazvo. Zvino iniwo hangu ndiri chii mumana iri? Hanzu dzandinopfeka dzakatanga kugadzirwa neveukouko, ndadaro ndonzi ndakademwa nadzo. Ndikati ndipfeke dzakagadzirwa kuno ndotosekwa. Ndinonzi handizivi fashoni. Vamwe ndivo vanenge vachinditi wakasara. Ndobva ndati kureva here kuti ndaita semabhuku aya emuBhaibheri asingaverengwi navadzidzi veBhaibheri asi kana vapedza zvidzidzo zvavo vagonzi vane ruzivo rweBhaibheri ivo vaingoita mabhuku matatu kana mashanu chete emuBhaibheri? Paya pavanonzi vazivi veBhaibheri, ivo vasina kubvira vambobatawo ini uye vasina kubvira vambonzwawo kuti ndinozipa sei uye ndakanyorwa zvakadii,zvinorevei? Kuti mana redu iri iBhaibheri here, iro rinonzi kana woda kuenda kune aya mabhuku asiri pahurongwa hwezvidzidzo zvomudzidzi asi kuti ugone kuzviverenga unofanira kutanga wapiwa mvumo kubva kumudzidzisi wako unozoti tipewo zvimwe zvawakadzidza pamusoro peBhaibheri?
Ndiri chii mumana iri? Ndiri chii kana ndichinzi ndinofanira kubhadhara kutenga rusununguko rwekufamba mumana rangu? Chii chinonzi mana iri? Kureva kuti ava vanoti pasi rose rava mana ndeavo vane muchini unogona kumbondera pandiri kunyange ndiri kunyika ipi kana ndatenga tunharembozha twavo vachitsvaka padandemutande? Ndivo here varidzi vemana rinorehwa iri? Chiiwo changu mumana iri? Inga ndinozivikanwa semunhu asingagoni kutaura nerurumi urwo ndinonzi ndinofanira kunge ndichirugona zvikuru? Ko zvino ndinomanikidzirwei kutaura mumwewo mutauro ivo vakandikoka kumusha kwavo vachinyatsoziva kuti ini handitauri rurimi rwavo? Asi ivo kana vachiuya mumana mangu havambotangi vadzidzira mutauro wangu kuti vagogona kutaura neni? Zvinoreva here kuti ini handisi chinhu mumana iri? Ndini here rara rakafanira kuiswa mudurunhuru rozongova nebasa chete kana raorera rofanira kuchipa zvirimwa upenyu nehutano? Ndiri chii mumuunganidzwa uyu unonzi pasi rose imana?
Zvinonetsa kunzwisisa kuti sei isu tiri mumana rimwe kana umwe afunga kundirova ndichinzi usadzosera? Kana iri nyaya yekuti umwe ari kundirwisa sei ndichirambidzwawo kudzorera? Handina kuti ndinofarira kurwa ini? Handidi kurwa ini. Ndinoziva kuti kurwa kunoteura ropa uye kunoparadza hupenyu nehupfumi, asiko kana umwe mugari wemumana akandirova sei ndichinzi peta maoko? Zvinoreva here kuti kune vamwe vagari vemana rino vanonzi ndivo vanofanira kurova vamwe vamwe vachingoterera zvavo marwadzo? Haisiyo inonzi mikonomashanga here inoita basa rokunetsa imwe? Ko zvino kana mumana redu muchifanira kugara nerunyararo seiko vamwe vagari vemumana rino vachibvumidzwa kugadzira michetura inotyisidzira vamwe vagari? Kureva kuti mumana medu maita mhondi navaroyika? Zvino varoyi nemhondi zvavawanda mumana redu toita sei? Ndiri chiiwo zvangu kungowawata ikoku? Izvozvi ndichatonzi ndinotaurisa? Kutaurisa ndichiona zvangu kuti handina simba rezvombo zvine muchetura uye mvumo yekupa vagari kufamba kwakasununguka. Asi ndizvo zvandipawo mubvunzo uno wekuti ndiri chii nhai mumuunganidzwa uyu?
Kana vamwe vachiziva kushanda kwemotokari itsva ini ndichizongoona zvangu dzasakara, zvinoreva here kuti ivo neni tiri mumana rimwe? Ko kana ivo vachinzi vane mari, ini handigoni kuenda kundoonawo nzvimbo dzinoyevedza mumana rangu nokuti handinawo mari, zvinorei kwandiri? Ndiri chii? Ndiri bhuku riya risingabvumidzwi pabvunzo here?

Comments

Popular Posts