Diamond in his son’s grave/ Mune Ngoda Muguva reMwanakomana


Chidimbu chemutambo Diamond in His Son's Grave yakaparurwa paTheatre in The Park musi weChipiri
Munyori wemitambo Steve Chifunyise aita zvake zviya zvaanozivikanwa nazvo zvokunyora mitambo inotokonya pfugwa. Iye zvino adzoka nemutambo unovaraidza uye uchitokonya pfungwa uyo wakaparura nemusi wechipiri manheru padariro repaTheatre In The Park.
Mutambo mutsva uyu unonzi iwo Diamond in his Son’s Grave unotevera imwe ichangobva kuitwa mudariro rimwero umwe wainzi Desperately in Love neumwe wainzi Roki and Maneta Encounter. Chinonakidza pamitambo miviri iyi ndechekuti munyori arikuramba achishandisa ruzivo rwake rwaanarwo maererano netsika namagariro avanhu. MunaDesperately in Love, Chifunyise aibata nyaya dzine  chekuita netsika dzekuroorana pachivanhu apo mazuvaano vanakomana navanasikana vanongotanga kushanirana vari vega uye kugarisana pasina kubviswa roora, izvo zvinova zvisingabvumirwi pachivanhu. Umuwo muna Roki and Maneta Encounter, Chifunyise aiburitsawo samba rina madzimai uyewo kuti kana pachiitwa mitambo yemakwikwi vechidiki vashandise zvinhu zvinowanikwa mutsika namagariro edu kukwikwidzana sezvakaonekwa apo Roki naManeta mumutambo uyu vachinzi varidze mbira, hosho pamwe nekudzana pachinyakare.
Zvino uyu mutsva ndiwo wazouya nenyaya inopisa serufuse. Mutambo uyu Diamond in his Son’s Grave unotanga apo mukuwasha waChituro Zinyemba anotambwa naCharles Matare, Farai Mutero anouya achizivisa vatezvara vake kuti akawana ngoda apo vainge vachichera guva romwanakomana waChituro Zinyemba. Sevakuwasha apo Farai anotambwa naTinashe Chirisa aichera guva ravatezvara vake aine vamwe vekukama hwake akawana ngoda iyi. Vari mukati mekukakavadzana semhuri, ndipowo panouya tsamba yokuzivisa Chituro Zinyemba kuti aifanira kutama paagere nokuti painge paita ngoda uye mvumo yokuchera ngoda iyi yainge yapiwa kumuzukuru waFarai Mutero, Zibundo Muponda uyo aivepowo pakucherwa kweguva ratezvara vasekuru vake. Chisina kutaurwa ndechekuti mushure mekuenda nengoda iyi kumusha kwake pamwe nekundoona kuti yainge iri ngoda yemazvirokwazvo chii chakamupa kuti adzoke nayo. Chinogona kudaro chakamupa kudzoka nengoda kwaiva kuremekedza mufi setsika yechivanhu chedu. Zvakare aida kuremekedza vana tezvara vake kuti wanano yake nemudzimai wake isazokanganisika. Mukati mekukurukura kwaiitwa munyaya iyi pakaonekwa kuti Chituro Zinyemba aive asisina simba uye aive murwere zvekare uyuwo mwana wake Solomon aive chidhakwa. Izvi zvinogona kutokonya pfungwa dzedu senyika kuti izvi zvingava zvatinoita here zvokuti tinopedzera nguva mukupokana nezvekuti vamwe varwere kana vari varwere havasisina kukodzera kutitungamirira tichisiya nyaya dzakakosha dzokuchera ngoda tichiita kuti nyika yedu ibudirire. Pamusoro pazvo isu tichiita basa rokutukana nekupokana ndipo panouyawo umwe munhu kuti azotibvutira pfuma yatakachengeta kwemazazanana amakore. Ipapo anenge achiuya nekatsamba kanobva kubazi rezveemigodhi. Nyaya iyi inoita kuti Zinyemba adzore pfungwa dzake kumkare kuya apo nyika yainge ichatongwa navachena apo vanhu vaitinhwa vachiendeswa kundogara kunzvimbo dzakaoma dzisinganayi mvura zvakanaka. Anotaura zvekutya kwake kuti kana ngoda iyi ikacherwa hurumende inouya yomubvisa iye nevamwe vake ichivaendesa kwakasiyanasiyana sekuGokwe nekuBuhera uko kunongozivikanwa kuti hakuna chipenyu chinonyatsokuraramako kunze kwekungotambura nenzara apa vachisiyiswa makuva amadzitateguru avo izvo zvinozoita kuti vashaye kwekundochema zvichemo zvavo. Izvi zvinounza mubvunzo wekuti ko ivo vanhu vakachengeta ngoda kwemazazanana emakore aya vanowaneiwo kana ngoda yavakachengeta yava kunzi yapiwa kukambani dzinochera ngoda? Siewo ivo vakachengeta ngoda iyi vasingaitambisi vachingobviswa pasina chavanowana chinobatika kunze kwedzimba neminda zvinenge zvichitsiva zvavo zvavakapazirwa pachiiswa migodhi yengoda?
Mutambo uyu unotaurawo nezveavo vose vakafira nyika yeZimbabwe. Vanhu ava vanonzi vakafira kusunungura Zimbabwe asi zvino ngoda zvainongotutwa neavo vane makambani ko avo vakasunungurwa nevakafa ava vari kuwanei kubva mungoda iyi? Izvi zvinobva zvapinzawo chirongwa chezvemigodhi chiri kuitwa nehurumende chekuti venharaunda inocherwa zvicherwa vanofanirawo kuwana cheuviri kubva muzvicherwa zvinocherwa mairi.  Dzimwe nyaya dzinobatwa nemutambo uyu dzakakosha zvikuru ndedzemidzimu izvo zvinoonekwa apo mutambo unopera vanhu vava kumakuva Chituro Zinyemba achitaura nemidzimu inosanganisira waMbuya Nehanda. Zinyemba anochema kuti vana vopedzana nekukakavadzana sakiso iriyo yengoda nyika ichiparara ivo vadzimu varipo. Anokumbirawo vadzimu kuti vapindire mudambudziko iri kuti kurwisana nenyaya yengoda kupere mumusha muve nerunyararo.
Mutambo uyu unotambwa zveunyanzvi nvatambi vanoziva basa ravo vanoti Charles Matare, Priscila Mutendera, Tinashe Chirisa, Getrude Munhamo, naTeddy Mangava uye uchitungamirirwa naEunice Chiratidzo Tava ndokupakurwa neRooftop Promotions. Basa rakabatwa, chaizvo uyewo Teddy Mangava uyo aitamba mumutambo uyu saSolomon anotamba zvinoyevedza chose. Mutambo uyu uchiri kuenderera mberi uchiitwa kuTheatre in the Park kusvika musi wa20 Gumiguru. Ndinokurudzira vasati vauona kuti vaende vandouona. Musaita zvekuudzwa itai zvemeso.

Comments

Popular Posts