Naki Anouraya Shumba





Kwaiva neumwe murume nemukadzi kune imwe nyika iri kure avo vaidanana chose. Vaviri ava vaidanana zvokudonhedzesa chin’ai zvaisvota avo vaisadanana mudzimba dzavo. Chemende pavaviri ava chakazova chekunetseka nembereko. Vaviri ava vaigara ku,mapani enyika iyi uko kwairimwa varimi vachikohwa pakuru. Nekuda kwedambudziko rembereko iri, vaviri ava vakaenda kundotsvaka muuchuki. Muuchuki  akavauchuka mudzimai ndokubata pamuviri. Vakazvara mwana musikana. Mudzimai akafara chose kuti awana mubatsiri pamabasa apamba. Akapururudza kuti zvino awana mwanasikana achamuunzira mwanakomana. Mwanasikana wavaviri ava aive nerunako runotonhodza mvura inovira pamoto. Muzinda wese waitaura nezvemwana werunako uyu. Asi baba vake vaisamufarira. Baba vaida mwanakomana. Vaidawo anogona kusara netsvimbo dzavo. Nokudaro Havana kugona kuvanza ruvengo rwavo kumwasikana wavo. Vakabva vati mudzimai wavo ape mwana zita. Vakamutumidza kuti Naki. Naki mwanasikana werunako.  Mai vake vaidada naye chose.
Mumwe musi vari kumunda kwavo vachisakura. Baba vaNaki vakatuma mai vanaki kundochera mvura. Mai Naki vakaenda kutsime vachisiya Naki arere zvake pamumvuri wemunyii waiva mumunda mavo. Vakasiya vati kuna baba Naki vatarire mwana ivo vachienda havo kumvura, baba ndokubvua. Asi vakazoshamisika kuwana mwana wavo achichema pasina anomunyaradza. Naki aichema kurumwa namagadzishava. Magadzishava aive akamomotera muviri waNaki wose. Baba vake Havana kuita hanya nokuchema kwake. Vaive vakatogara zvavo nechekoko vachiputa bute ravo.
Mai Naki vakadonhedza dende ravaive vashandisa kundochera mvura. Mvura yakarasikira pasi. Baba vaNaki ndokupengera mai Naki. “uri mukadzi rudzii anokoshesa mwana achisiya murume akamubvisira pfuma?” Mai Naki vasati vadaira mbama yainge yatovamhara. Vakahetura mwana wavo ndokutiza vachienda. Naki aigaronzwa nyaya iyi ichitaurwa. Kunyage zvazvo baba namai Naki vakazoita vamwe vana vakomana vaviri mushure maNaki, baba vaNaki havana kuzombafarira mwanasikana wavo.
Zvakazoti vana vababa namai Naki vakura, Naki ndokuroorwa kure nenyika yavabereki vake. Umwe mwanakomana wababa namai  Naki mukuru akangotsakatika nenyika ndokusara uyo aiva rugotwe. Rugotwe rwavo rwainzi, Chikomo.
Nekufamba kwenguva baba Naki vakarwara. Vakarwara nechirwere chekusagona kumuka kubva pabonde. Baba Naki varwara vanhu vakaenda kumashopeshope. Ikoko vakandoudzwa kuti pakati pevana vababa vaNaki paifanira kuwana umwe akashinga aifanira kuuraya shumba. Auraya shumba aifanira kuzotsvaira nemusoro wayo pachivanze. Kana atsvaira chivanze nemusoro weshumba baba Naki vaizopora. Hama dzababa Naki dzakakumbira Chikomo. Chikomo ainge achangobva mukuwana mudzimai. Akaudza hama dzake kuti, ‘Handingaendi kundovhima shumba ndichsiya mwenga wangu ari ega. Ndife zvangu ndasati ndamboita mwana, handidi.’
Hama dzake dzakapererwa. Dzapererwa dzakangogara dzamirira kuti baba Naki vafe zvavo. Paurwere hwese uhu hapana akambofungawo nezvaNaki. Naki akatozonzwawo kuti baba vake vari kurwara namakuhwa. Vabereki nehama dzake vakazongoshamisika achisvika pamusha. Vakamupira nyaya yavo. “Ndomamirire akaita nyaya. Zvino hanzvadzi yako Chikomo anoti haagoni kusiya mwenga wake ari oga.” Naki akavaudza kuti, “Ndipei uta nemiseve ndiende kundovhima shumba yacho.” Akadaro achibuda mumba maiva nababa vake. Mai vake vakamutevera panze vachiedza kumudzivisa. “Naki, wava mudzimai wavaridzi. Kana ukadzyiwa neshumba, hona ini ndaguma ura mukuwasha akati ndoda mukadzi wangu ndinowanepi umwe mwana?” “Ndiri kudzoka neshumba pano.” Naki akatsunga moyo wake.  Mai ndokumuti, “ziva kuti iwe uri musikana. Hauna kujaira kuvhima. Unonodyiwa neshumba. Ndinozotiiko kumukuwasha wangu. Mombe dzake dzaakabvisa dzeroora akazoti anodzida ndinodziwana kupi?”  Mai vake vakachemachema, asi iye akaramba achikumbira kupiwa uta nemiseve. Akazopiwa uta nemiseve ndokuenda. Mazuva iwayo shumba dzaroora vana vavanhu. Pakapinda Naki musango akabva angoita mahwekwe ne shumba. Shumba yakafara kuona mwanasikana akanaka saNaki. Yakaridza kamuridzo. Ndokubva yatanga kutsvetsve Naki. Naki akaudza shumba kuti haana kuuya kuzogara musango asi kuti ainge auya kuzouraya Shumba. Shumba yakaseka. “Hehehehehe-e, zvino wava kuzoita kanyamakanyama musango muno.” Naki ndokuti,”Iiwe ndiwe wava kuzopera.” Akabva aisa museve pauta. Museve waiva wakananga kune shumba. Shumba yainge yakabva yaomba. Yakasvetuka yakananga kuna Naki yakashama muromo. Naki akanangisa museve wake nemumuromo meshumba. Museve wakadambura uropi hweshumba ndokuti pasi gwadara.” Naki akadambura musoro weshumba ndokumuisa munhava yake ndokumhanya oenda kumusha kuna baba vake. Asati asvika kumusha, baba vake vakabva vatanga kunayazvishoma nezvishoma vachisumuka kubva panhovo. Akazosara opedza kutsvaira pachivanze baba vake vatonaya. Paakapinda mumba maiva nababa vake hama neshamwari dzaive dzakarinda murwere dzakafara. Madzimai akapururudza, hanzvadzi yake Chikomo ndokusvova nenyadzi. Madzimai akapururudza avawo baba vaNaki ndokumbundira mwanasikana wavo ndokuchema vakadaro.

Yakatanga kubuda muChiringiro bepanhau idzva rechiShona rinobuda pavhiki pavhiki nomusi weChishanu wegawega.

Comments

Popular Posts