Zvinopfuura

Upenyu hunouya huchipfuura
humhandara hunopera humvana huchisvika
hujaya hunoguma sarei baba nhiya tave hwende
madziva anozarevhu ndokuva mazambuko
zvivhindikiti zvakava ndonda wani
ndonda dzikava zvivhindikiti
goni ana goni wake izvo zviya
chidyamatovo ndiye akadzipwa neremhuru
ndiko kufambidzana kwenguva
hudiki huchipwa kuchiuya kubva zera
maruva achidonha kuchiuya michero inozokuva nekusvika kwenguva
ndizvo zvinoita kurarama mwachewe
hurovha hwapera kunouya kushanda
kushanda kuchiguma kunouya kutangawo kweurovha
vaitemura vachiseva vaiseva vavakutemura
kwamairigidira moringe benya uye kuringe benya kwamairigidira
hapana chinovamba chisingagumi
kana zvaoma zvichapfava
zvinopfava zvichakuomera
kana chaikuda chokusema ndicho chinenge chinokwenyerwa
asika ndiwo matanho ahwo upenyu
kunge unofamba rwendo
pamwe makwidza pamwe ava materu
ukange wasvika pamusoro pomukwidza wasvika pamavambo amateru
kana wasvika panopera materu wava pamavambo emakwidza
ko ndiko kufamba kwendima yehupenyuzve
zviya vaikuseka vokufarira nevaikufarira vokuseka
ndihwo upenyu hwacho
zvose zvinopfuura
ndiko kuita kwahwo hupenyu
asi kune kunoendwa zvapfuura
kusingapfuuri nokusingaperi
ndiko kunyikadzimu
kunoungana yose midzimu
ikoko unenge uri pai
panoera here kana panoerwa
kana wasvika panoera wagara
kana uri panoerwa chejera huremu
ukasarema wapota
kana warema ngwarira
ucharemera kunokutura
panoti chikero kutu newewo kutu
nokusingaperi igorambova kutu!

Comments

Popular Posts