Waitevera ani?

zvawakasvika paya ndokutambira chigaro
kana painzi inwai zvinwiwa iwe kwakutambira ndokumedza
paya pakanzi vamwe vose gezai maoko iwe wakati neniwo
zvakageza vanhu maoko vorova gusvi iwe ukati handisariri
ko nhasi zvowoti zvakarongwapo zvaisava newe mukati zvorevei?
unorevesa kuti waiva gudzadungwe iwe?
ko zviya paya zvawakati
payazve ukazoti
zvainzi nauyu nhingi uyu iwe daidai uchiti,
ko zvino unorevei uchiti zvaisava newe mukati
asi ndiwe waiva sori?
zvozvongoti iwe uchiramba vose vaiva vakaungana paya vodomwa namazita?
kana kuti ndiwe wakakwenyera
kana uriwe muridzi wayo pito taura tinzwe
hatidi mhumi mumakushe emakwai
kunyengedza vane maronge epundutso nekutsigira neutosvo hwakatesva
izvo iwe unodairira kuzuro kuya
kuyazve kwataitiza tichiti kwete
zviremwaremwa zvakadiwa naniko
kunge mbeva kunge shiri bodo
buda pachena tizive zvakatihwandira
kwete kuzoita hwekufungira woti ndakangodaidzwawo
adaidzwa anoredzwa huro nepanyaya dzaasingazivi
revesa nemoyo tizive paumire
kana uchikunga tizive ndozvawakada
kana uchikanda yemarambasadza tizivewo ndizvo zvauri
kwete kuzoti wakangodaidzwawo kunge hauna chawakaita

Comments

Popular Posts