Haazi angu!

ipo paya pataiva tose
nyika yose ichinzwa muchishamatata
huro makavhura kunge maikwikwidza mukombe
vanhu ndokukuombererai
imi ndokubva pachikuva muchifamba zvine ukomba
mhururu dzikatsva pamaidzika kubva pachikuva zviya
miridzo ikatsviriridza ipo paya
maoko kuombera vanhu vachiita
kuomberera amainge mareva
zvino nhasi zvaita sei nhai changamire,
zvomoti mashoko amakareva haazi angu?
Ndeani iwo aya aibuda mumuromo menyu?
ndiyani aiapaikira munedzenyu ndangariro zviya zvamaiapotsera kuvanhu?
ndiyani muridzi tiudzewo tizive changamire
zvomoti fume andakataura haazi angu
ndiyani zviya aikumanikidzai kuataura iwo aya mashoko
mavi aya amaipotsera semutururi wesvita anopotsa hwanza
murevei iye aikupai kana kukutumai nawo timuhwe
zvomotomhiza maoko nokukapadza musoro semombe yatemwa nyanga nebwe
muchisheedzera, munondinyepera haazi angu!
ndeani
tiudzei iye chaiye murongi nemutumi
imi zvomoita kunge mutumwa kuramba enyu mavi
asi maisaziva rawareva rinotevera mwene here?
zvomotosimbirira kuti amakareva aya haazi enyu?
ko kana aipirwa mubairo maiaramba here?
ko kana aiva mauya maiaramba here?
zvomoita mana rose manzinzinzi
vanhu vasinganzwi mashoko achirehwa!


Comments

Popular Posts