Mwana wen'ombe anonzi mhuru.

Mhou yandaona kuTarget Kogje kuMasvingo. Ava ndivo mai vemhuru.

Mhuru dzemhou dzandaona kuMasvingo. Ava ndivo vana vemhou idzo dzandaona. 
Mwana wen'ombe anonzi mhuru. Mai vacho vachinzi mhou. Baba vacho vachinzi ngunzi. Mwanasikana wen'ombe ava kuzera rekuita mhuru anonzi tsiru. Mwanakomana wen'ombe anonzi dhonza. Mukweguru wen'ombe anonzi dore kana kuti nhore. N'ombe yakachekwa inonzi ngavi.

Comments

Popular Posts