Vanasikana vanoita zveudavadi muZimbabwe vosumudzira mureza wenyika.

Cynthia Marangwanda aka Flochyld at work

Muzvare Batsirai Chigama uyo anozivikanwa nokuita nduri dzinotekenyedza pfungwa dzavanhu ahange achisumuka muHarare akananga kuMozambique nomusi weMugovera 14 Chikunguru, 2012 kundovapo pachiitiko chemutambo wezvavadavadi unodaidzwa kuti Tambo Tambulani Tambo Art Camp and Festival    unoitikira mumumhenderekedzo dzegungwa kuPemba dzinova idzo pachinzvimbo chetatu pakukura kwadzo muzendereka rose, nzvimbo inonzi iyo yakagona kukwezva vanhu vendudzi netsika dzakasiyanasiyana kubva mupasi rose kuzogara nokuumba tsika nokutambira kusiyana kwetsika namagariro avo. Muzvare Batsie sekuzivikanwa kwaanoitwa navatsigiri vake ainge ariko muchiitiko chemutambo uyu zvakare mugore radarika. Adzoka kubva kumutambo uyu veko vakaona zvakakodzera kuti iye adzokezve kundobatsirana navo kufambisa mutambo uyu zvakanaka zvinoita kuti vadavadi vose vachange vachizova nemukana wekuratidza hunyanzvi hwavo uku vabve vachifara. Mushure mekunge avapa mazano ekufambiswa kwemadopiro ehudavadi akaita sewawa, Batsie akanzi adzokezve azobatsira mutambo uyu nenyaya yekufambiswa kwamashoko uyewo kuti azoturikira nechirumbi kuvaadavadi vachange vachibva kunyika dzakaita seSouth Africa, Zambia neZimbabwe avo vasingagoni kutaura Portuguese vachange varipowo pachiitiko ichi musvondo rinotevera.

Mukukurukura naBatsie, anoti iye anofara kudzokera kuMozambique kundobatidza muchiitiko chakanaka kudai. Akati iye Tambo Tambolani mutambo unoitirwa matinogona kutaura sekuti muruwa. Zuva nezuva vadavadi vanenge vachidavadika pamberi pavanhu vazhinji chinova chinhu chinofadza chose. Hapana mudavadi anoda kudavadika pasina vanhu. Zvakare chinoita kuti mutambo uyu ufadze ndechekuti vadavadi vanenge vachidavadikira pamberi pavanhu vasingagari vachiona kudavadika kwemhando  yapamusoro yakadaro. Nokudaro unenge uri mukana wavo wekuona vadavadi vekune dzimwe nyika kusanganisira vemuMozambique mekare avo vavasingagari vachiona.
Kuenda kwamuzvare Batsie kwauya mushure mekunge vamwe  vadavadi vevanasikana vaonekwa  vachiinda kunyika dzekunze kundodavadika pamitambo yezvekutandadza nokuvaraidza vanhu. Mumwedzi wadarika muzvare Cynthia Marangwanda aka Flowchyld akainda kundovapo pamutamba wananyanduri pasi rose unodaidzwa kuti Poetry International Festival Rotterdam kuNetherlands uko anonzi akasiya akanga vanhu vaivepo mate mukanwa nezvidavado zvake zvekunyandura pfungwa nemhando yeHip Hop. Achibva ikoko akadarikira kuenda kuSouth Africa kuGrahamstown Arts Festival uko akaenderera mberi nehunyanzvi hwake hwekufadza vateveri venduri kunyika iyi.
Muvhiki yadarika iyi muzvare Rutendo Machiridza akaonekwa achisumuka kubva muHarare chiinda kunyika yeSweden ari parizvino. Ikoko  Rutendo achange achivaraidza nokutandadza vanhu veko nemisambo wembira yeNyunganyunga. Zvinofadza zvakadii kuona kuti vanasikana venyika ino varikusumudzira musambo wechiridzwa chembira pasi rose kubudikidza nekuinda kunyika dzekunze  idzi vachindoratidzira hunyanzvi hwavo pamwe nezvidavado zvavo pakushandiswa kwechiridzwa ichi mukuvaraidza nekutandadza vanhu?
Uyuwo muzvare Elizabeth Muchemwa anozivikanwa nezita rekuti Zaza akaendawo kuSpain uko achange ari pazvidzvo zvekuvandudza matambiro emitambo yekuedzesera (theatre) ayo anonzi neumo kinesia , kunova kudzidzaswa kwevatambi vemitambo yekuedzesera, vadzani, pamwe nevaimbi kuti vagone kushandisa dariro ravo zvine unyanzvi hwapamusoro. Zviya zvekuti kana mudavadi apinda mudariro tinobva tashaya kuti ndiye uya watambenge tichitaura naye here apfeka basa rake.
Kubuda kuri kuita vanasikana veZimbabwe vadomwa munyaya ino kusanganisira Dudu Manhenga uyo akaenda kundodavadika kuItaly uko akasiya zita nembiri uyewo Hope Masike uyo akapedza gore rapera achiitisa zvidzidzo zvembira kuEurope uko anova adzokera kundofadza avo vakaona zvakanaka kuti ange achidzokera kuEurope kuti avavaraidze nemisambo wembira yerudzi rweNyunga Nyunga. Zvakadai izvi zvinoratidza kuti kubata kwevadavadi vechisikana kuri kusumukira zvikuru munyika yeZimbabwe. Mumashure umo maingozivikanwa vadavadi vechisikana vashoma zvikuru kunze uko, mazita akaita sanaBeula Dyoko, Mbuya Rambisai Stella Chiweshe, Benita Tarupiwa, Chioniso Maraire, Dorothy Masuku nevamwewo. Asi iyezvino mazita awanda uye misambo irikuenderera mberi ichiwanda. 
uku izvo zvakaita kuti nzvimbo iyi ive netsika davanhu vakasiyanasiyana.

Comments

Popular Posts