Chamakaenda nacho

nguva dzose dziya ndamakandisiya
mumwe nomumwe wenyu neyake nguva
paya pandinosara ndakatarira
ndinoona chimwe chinhu pandiri pasisina
handina misodzi inoyerera seyemhandara yarasikirwa nejaya
asi ndinongoita hwemhuri yatorerwa hama nenjuzu
kuyuwira ndirimo mukati merwendo rwemibvunzo
zvataiva tose, nhasi hapachina
ringasara richidaidzwa zita, mai ngana
vangasara vachitaura vanhu, sahwira wangana
asiko ngoma yemambakwedza
huku dzotanga kuita ruzha
ichisima mubanya kuMhondoro vakomana
uyu neuyu wake mukombe tadzisa
zvino ivo vakatungamira vodzoka kuzorodza dzedu njere
neyavo zivo youpenyu  muneramangwana
mudariro maridzangoma oirova seane anoti ridza wakadai
iye gwenyambira achiitekenya sokunonzi ndiro rokupedzisira zuva
vakomana muchipedzesera misoro yava panorira ngoma
kurerekera kunge murikudaira kune adaidza
ini ndirimo mudariro kubatsirana navamwe
zvino zvandisisina anoti Mugovera wasvika vakomana
handei kuChirasavana kundotamba ngoma
hezvo sarei tuzu mukati ndichiyuwira
kutsvaka ichochi chamakaenda nacho.

Comments

Popular Posts