Another Chance/Mumwe mukana!

Ndakatora nguva yangu kuterera kuCD neDVD reDevine Touch apo vakomana ava vakaita basa guru rokuimba. Basa iri rakabva randiitazve kuti ndisangane nechirongwa chirikuitwa neZimbabwe Prisons, icho chiri kubuda pachivhitivhiti cheZTV. Mushure mokuona chirongwa ichi ndakabva ndafunga zviitiko zvakaitika muupenyu hwangu mugore ra2008 nera2010.
 Musi wa28 Chikumi 2008, ndakarohwa navarume vatatu vandisingazivi. Vakanditorera mari yekusiyabasa kwandainge ndaita apo kambani yedu yainge yaparara. Vakatorazve nhare yangu, bhutsu pamwe nembatya dzangu. Vakandirova chose ndokundisiya ndakarara pasi asi havana kundikuvadza zvokubuda ropa. Havana kubatwa varume ava. hwaiva husiku ini handina kuvaona kuti ndivanaani.
Musi wa25 Chivabvu 2010, kumba kwangu kwakabiwa navamwe vanhu vandisingazivi kuti vaiva vanaani zvakare. Vakaba kusiya mumba musisina zvandainge ndashandira kwemakore anosvika makumi maviri. Vakandisiya ndaiita kunge mukomana arikubva kumusha achienda kudhorobha kundotsvaka basa. Vanhu ava havana kubatwa kusvika nanhasi uno. Handivazivi, pamwe ivo havo ndivo vanondiziva vanototi vakandiona voti ndiye uya murume watakakosvora pfuma yake.
Muna Chikunguru wegore ra2010 ndipowo pandakasvika kujeri reCetnral Prison neChikurubi Farm Prison nomukuru wandaishanda naye mushakabvu Walter Muparutsa tine donzvo rokuda kusimbaradza mabasa avasungwa mune zvehudavadi munzvimbo dzakaita samajeri. Taiti kana vapari vemhosva ava vakabuda kubva munzvimbo idzi vasina zvavanoita zvinogona kuzovapa kudzokera kumabasa avo ekupara mhosva. Zimbabwe Prisons yakatitambira zvakanaka ikaita kuti tione zvavaiita zvehudavadi navasungwa. Takafara chose izvo zvakaita kuti tionewo vasungwa vachiita basa roudavadi sereudavadi.
Zvino pakazouya chirongwa che'Another Chance', ndakati izvi zvakanaka. Daiwo ivo vanoita chirongwa ichi vachitipawo mukana wekuona avo vakabuda mumatirongo ndokudzokera mumusha kunogara navamwe. Pamusoro pekugara navamwe mumusha tinodawo kuona vaya vakasiyana nemabasa ekupara mhosva ayo vaiita vasati vapinda mujeri. Mumapepanhau munongobuda nyaya zhinji dzeavo vanodzoka kundoparamura zvakare. Zvakanakisisa kuti tionewo avo vakaita kunyange zvidzidzo zvemabasa amaoko nezvimwewo kuti vari kuitei neruzivo urwu. Zvakanaka chose kuti tibvume kupa vanhu vanotikosvora pfuma yedu kana tavaona vachiti vakadzoka mumusha vanova vanhu kwavo. Zvino chirongwa cheumwe mukana ichi chikatibatirawo vamwe vakapiwa mukana vakava vanhu pavanhu zvinoita nyore kuti vanhu vazive nokutambira vaimbove sasunga ava. Ivowo vadavadi vaya kana vabuda mumajeri ngatizovaonazve vachienderera mberi nokuimba uko vakawana vari mujeri. Izvi zvakare zvinoita kuti vatambirwe zvakanaka mumusha. 
ini pandakainda kujeri ndikaona vakomana navasikana vachidavadika, ndakati izvi zvakanaka. Shungu dziya dzandaimbova nadzo dzokuti ndikaona panorohwa mbavha ndinoitema nebwe dzakabva dzangopera. Ndakatanga kuregerera kunyange avo vakandibira vandisingazivi. Ndakanga ndatorwa mwoyo nehudavadi hwavadavadi vemujeri ava. Zvino kana vakazozviita vabuda mujeri zvinovapa hupenyu hunoita kuti vasadzoka kwavakabva, vagopedzesera voti, 'Handidzokeri Shure.'  

Comments

Popular Posts