Mutumwapavi mahwekwe nevechidiki paYGT

Zuva nezuva rine zvaro chokwadi. Iye nhasi ndini uyo ndaenda kuZBC ndadaidzwa ndichinzi ndindodetemba paTV pachirongwa chevechidiki chinonzi YGT. Ndinovimba kuti ndiyo iya inonzi YOUTH GOT TALENT. Ndaendako ndasvikosangana navakomana vanodzidza paSeke 2 High. Vakomana ava vanoti Kumbirai D Diwura naTakudzwa Bakasa aka Mr Bakasa Sir. Vaviri ava vanga vauya kuzoita nhetembo dzavo pachivhitivhiti. Kumbirai aiita yake inonzi Ndinodada newe Zimbabwe apo ange achitaura nezvekunaka kweZimbabwe nezvose zviri mairi. Uyuwo Takudzwa aiita yake inonzi Zimbabweans iyo inotaura nezvekubata basa kwakanaka kweMazimbabwe. Aiwa ini handina kuzodetemba asi ndazongonzi zvangu nditaure maonero nemanzwire engu panananyanduri ava. Takurukura zvandinovimba kuti zvaitira zvakanaka vakomana ava pamwechete navose vanga vachiona nokuhwa chirongwa ichi chichiitika.
Chisarai zvenyu muchidzeya detembo randanga ndakarongera chiitiko ichi riri nechepasi apo.

Huya Titambe

ndinokuziva, kwete zvekutaurirwa
dzinza rako handiiti rkufungidzira, riri mumoyo
ndiweka unoziva zvangu sokuziva kwaunoita mwaka yegore
kwete zviya zvokuti hunga kunge hove iya inenge nyoka
kana vangu vabereki unovaziva, huiti vokunzvenga kana wavaona
asi unorova maoko kuremekedza kwatakabva
huya titambe kani
iyewe unondipa dama ndichirerekera nzeve
iwe uchindinzwawo kana ndakupa damba
paruvato rwangu unopaziva, wakapaona
kana pako neni ndinopaziva
kana ndasviko kwako mai vanoti dogarai mudye
havanditoreri tsvimbo kunge vanotanda makudo
vanoziva handikusiyi mumoto sejira razanondega
asi okukuvaka mazano ndinogoverana newe
iwe usingandiregiwo ndichipindwo nemwenje mudziva
mumukanwa mamupere unondipakanura
makomba uchindipandidza kuti ndinzvenge
sakeni ndichi huya titambe shamwari yangu huya

Kubva mubakwa renhetembo naTinashe Muchuri

Comments

Popular Posts