Sadza kuTheatre In The Park!





 Munyori wemutambo, Stephen Chifunyise akafara chose kuti hurumende kubudikidza nekambani yayo yeGMB, yaona zvakanaka kubatsirana navadavadi kusvitsa mitambo kuvanhu. "Ndinofara chose kuti hurumende, (nokuti GMB sekambani yehurumende, ihurumende) yaona zvakakodzera kusumudzira chiitiko chino, uye ndinoda kupa chitsvambe kune vamwe vanyori kuti vachiuya nezvinyorwa zvavo kumukana wakanaka kudai. Zvakare ndinofara kuti vanyori vechidiki vauyewo kuzoshandisa mukana iwoyu kuburitsa zvinorwa zvavo izvo zvnozoita kuti vararme  upenyu hwavo nokufadza vanhu." Akadaro munyori wemutambo Stephen Chifunyise ndokuenderera mberi achikurudira vamwe vanoita zvamabhizimisi angava ehurumende kana akazvimiririra zvawo kuti vauye vapinde mukutsigira zvetsika namagariro.  
Stephen Chifunyise aitaura izvi pachiitiko chekuratidzwa kwemutambo wake mutsva unonzi "Desperately in Love" muTheatre in the Park nemusi wa3July 2012. GMB yakabatana neveRooftop Promotions kuti mutambo uyu uitike. 'Desperately in Love' mutambo unotaura kunyanya nezvechinzvimbo chatete mumhuri nezvimwewo zvakawandawanda uchange uchiitika kubva zvino kusvika uchizopera musi wa15 Chikunguru 2012. Mutambo uyu unotambwa naCarol Mashinagaidze uyo anotamba ari Stella Matombo, Marian Kunonga ari Maidei Indonga uye Tapiwa Mavindidze ari Farai Mangwana, mukomana waStella  uchitungamirwa naDaves Guzha. Chinonyanya kunakidza panhau yekuuya kwevemabhizimisi vemuno kune zvemutambo netsika inhau yekuti vemabhizimisi vazhinji vainge vasingaonekwi munyaya dzekubatirana pamwe chete nevadavadi panyaya yekufambiswa kwamabasa ezvetsika namagariro avanhu.Vashoma vavo ndivo vange vachitsigira mamwe mapoka evadavadi vakaita sevaimbi nevemwewo vanoita zvemabhuku.
Chiitiko ichi chauya apo National Arts Council of Zimbabwe yakaita musangano mumwedzi waKubvumbi panzvimbo yePakare Paye Arts Centre kuNorton apo paikurukurwa nezvenzira idzo dzingaita kuti vemabhizimisi vemuZimbabwe vapinde mukutsigira zvekufambiswa kwetsika namagariro avanhu kubudikidza nokutsigira hudavadi. GMB, sokuona kwangu yaita chinhu chakanaka kutanga kukanda mbeu pasi zvingazogonawo kuti dzimwe kambani dziteverewo mugwara iri. 

Comments

Popular Posts