Tudikidiki Chii?


 




 Mukuona bhuku raMemory Chirere rinonzi Tudikidiki zvakandipa mubvunzo wekuti tudikidiki chii? Zvakare izvi zvakandipa have yokuda kuziva chacho chinonzi tudikidiki.Mushure mekunge ndazoverenga bhuku iri, ndakazoona kuti tudikidiki twuri mubhuku iri twuri pakawanda. Chokutanga ndechekuti Tudikidiki ibhuku retunyaya tudiki. Chechipiri ndechekuti tunyaya turikutaurwa nevana vadiki. Chetatu ndechekuti tunyaya turi kutaura nezvezvinhu zvatisingawaniri nguva yokunyatsotarisa mazuva ose. Zvinhu zviya zvatinoti kana tikazviona hatina hanya nazvo asi izvo zviri izvo zvinoumba zvatiri. Izvo zvidikidiki izvozvi ndizvo zvine hanya nevana vari kutaura nyaya mubhuku raChirere, Tudikidiki.Zvinhu zvatinoti savakuru hazvina basa ndizvo zvinebasa kuvana varikutaura nezvazvo ava.
Ingava nyaya here kuti munhu anyore nezvemwana ari kuba zvake nyama mumba mavabereki vake? Asi ukaverenga kanyaya kanonzi 'Mwana' kanova ndiko kanoparura bhuku iri unozoona kuti haisi nyaya yokutamba. Unotanga uchiita kunge nyaya yekuita zvakaipa yakanaka pedzezvo heyo newe mumoto pedzesere watotiza pamusha uchipinda musango kuita ngarara.Wadaro unozoita hwemwana akati, "Akati panze svaku, ndokutizira muchisango. Kutiza, kuita kunge asina kumbenge aedza kugocha nyama masikati pamba pasina vanhu!"
Ndiyanizve angafungawo kuti Pembani munyaya inonzi Pembani Pembani, aivawo mwana akangoita sevamwe vana zvakare aidawo kuwana mukana wekudzidza, kudya kwakanaka nezvipfeko zvakanaka? Ndiyani anogona kugara pasi nemwana kana achitanga kuratidza kuti ane chipo chehudavadi? Musi wakanzi vana vemukirasi yaPembani Pembani vatare mifananidzo, mudzidzisi haana kufara nomufananidzo wakatarwa naPembani zvakaita kuti amurove achiona sekuti irema. Asi paakarohwarohwa pabendekete naMiss Zuva, Pembani akanyemwerera. Kanhu kadiki ikaka kanogona kuparadza chipo chaPembani chehudavadi. Izvozvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vasabudirira vozopedzesera voita zvinhu zvavasingati kuita nemwoyo yavo. Zviya zvokuti unoona munhu achiita basa iro asingafariri.
Ko iyo nyaya yamudhara Mandiziva avo vaipota vachikwata zvokudya nekanzira kavo kekusvika pamba pavanhu vachivabvunza kuti, 'Mandiziva?' Kanyaya kekuti unogona kufunga kuti hapana zvenyaya asi pekupedzesera wozoona kuti itori nyaya hombe. Musha wose unogona kurasiswa nemunhu anongosvikoti, 'Mandiziva?' Zvingada here kuti chokwadi vanhu mungobikira munhu nokuti akubvunzai kuti, 'Mandiziva?' zvokutosvika pakumuurayira huku? Hunyanzvi hwaChirere huri pakugona kusiya munhu achiri kuda kuona kuti chiiko chakazoitika pamberi? Mandiziva, chirahwe chacho chinotozodudzirwa nemwana anoona mudhara Mandiziva dzichiita chidobi chadzo chekudya zvavanhu nokubvunza kuti, 'Mandiziva?' Unobva watanga kufunga vanhu vanoita basa rokukumbira mari yokufambisa muguta, vachiti vanoda kuti vawane kubuda muguta vachienda kurukisheni kwavanogara. Sekuita kweruzhinji runorarama nokunyepa unogona kukumbirwazve mari nemunhu mumwechete iyeye achida kuishandisa kuenda kwaambokuudza kuti ari kuda kuenda. MApaonaka, ziso remunyori uyu rine chipo chekugona kumirira vana vachiita zvose zvinonzi hazvina maturo.
Chirere ano hunyanzvi hwekunyora nyaya diki zvokuti bhuku rakaita saTudikidiki rive rimwe remabhuku ari mururimi rweChishona ari kuvavarira kubatana nemanyorerwe ari kuitwa nyaya pfupi mune dzimwe ndimi dzinenge Chirungu. Manyorere aChirere anoratidza munhu anoverenga zvikuru uye munhu anoongorora manyorero arikuitwa nyaya navamwe vanyori vedzimwe ndimi. Tudikidiki raifanira kudai riri rimwe remabhuku anodzidzwa muzvikoro nokuti rinopa vana vechikoro mukana wekutapirirwa nemanyorero pamwe chete nokudzidza kuti chii chinonzi nyaya pfupi?Nyaya pfupi dzinonyorwa sei? Zvii zvinodiwa nemunyori kuti azonzi munyori?
Tudikidiki harisiri bhuku rokuti unogotarira woti regai rakadaro. Butiro racho ndiro rimwe rinotanga kukukokwezva mwoyo apo unoona nhanga, majombo pamwe neboniboni akanzi apo mwa-a. Munhu akasarudza mufanikiso wapabutiro anoratidza zvakare kuti ane ziso roudavadi nokuti tunhu turi pamufanikiso uyu tudikidiki asi nditwo tunoita kuti tionekwe hunhu hwedu, tsika dzedu pamwe namagariro edu. Hunyanzvi hwakadai hunofanira kuremekedzwa pamwe nekupembedzwa.
Dzimwe nyaya dziri mubhuku iri dzinokuita kuti uti inga munyori uyu akapindana nedzandakambopindana nadzo wani! Kanyaya kakaita sa'Ndikakurega Handizokuoni', kanokuita kuti uone kukosha kwerudo runonzi rudo. Mumukore uno wekuti kuti uwane musikana unofanira kuva nemari, motokari, imba, nezvimwe zvakadaro, ko vasina zvose izvi vanozopona nei? Kakomana kekushaya kanogona chete kuponesa musikana musi wenjodzi ndiko kanozonzi, handikusiyi. Vangani vakambosanga nenyaya yakadai?
Chinhu chidiki chiripabhuku chisina kuita zvakanaka chiripakubatanidzwa kwaro uko kusina kunyanya kusimba nokuti kunoita kuti rikasire kusakara. Rinoda kubatwa zvakanaka. Pamwe ndongoti zvangu nokuti zvakanaka zvinofanirwa kubatwa zvakanaka ndiko saka rakadarwo. Kubvira musi wandatanga kuverenga bhuku iri ndinongoona zvitsva. Nyaya yekuti tunyaya utwu twurikutaura nezvezvinhu zvidikidiki ndakatoiona mwedzi wapera apo ndaiverenga tunyaya utwu zvakare.

 

Comments

Popular Posts