Mutumwapavi Pfacha kuHopely


Musi weChishanu chikoro chePrimary chekuHopley chaicheredza zuva rokuverengwa kwamabhuku. Mukuru wechikoro cheHopley Primary vaEdwin Msipa vanoti,' Zuva iri nderekupa yeuchidzo izere zvikuru  kuvadiki navakuru kuti bhuku ndiro musimboti wezivo yeranhasi namangwana.Donzo:Kusimudzira nokusimbaradza tsika yokurava zvinyorwa zvevamwe nezvavowo,kunyora ngano-nyaya nokudzirava pamwe nokunyora nhetembo,kudzirava nokutaiwo dzakanyorwa nevamwe.' 
Vakaenderera mberi vachiti, 'chirongwa ichi chichange chichiitwa kotoro yoga yoga pane shuviro yokusimbaradza ukama hwebhuku nemhuri sezvo chirongwa icchi chichikurudzira kuti mhuri dziite izvi kumba zuva roga roga.Vabereki vanokurudzirwa kuravira vana vavo mabhuku nekuvataurira ngano kwete kuti ndezvambuya, ticha kana kuti zvakapera nechinyakare.'
Pavanhu vainge vakakokwa musi uyu paiva neniwo Mutumwapavi ndakamirira sagano reGlobal Arts Trust. Mushure mokunge vana varatidza hunyanzvi hwavo pakudzana kwechinyakare uyewo kutamba mitambo yekuedzesera ndakazopiwa vana navanhu vakuru avo vaiva nechidokwadokwa chekuziva chinonzi kunyora nyaya.
Vandakapiwa ava vaisanganisira vana, vadzidzisi, vabereki, pamwe navafundisi vedzisvondo . Ndakaita awa imwe chete navo tichikurukura nenyaya yekuti chii chinoita kuti munhu agonzi munyori. Yaiva nguva inofadza zvikuru apo takaona kuti nyaya runenge rwendo runofambwa nemuchovha weruzhinji. Muchovha unobva panzvimbo yekutanga wakananga kwaunoperera. Munzira pane vanhu vanosara vamwe vachikwira.  Mukufamba rwendo imomu mune zvinoonekwa nevanhu vanenge vachifamba rwendo urwu. Pavanhu vose ava kunosara muchairi, mukokeri pamwe naiwo muchovha wacho. Zvino ndivoka vachovhi venyaya ava. Motokari ndiye mutauri wenyaya, muchairi ndiye mutambi mukuru munyaya uye mukokeri ndiye mubatsiri wemutambi mukuru munyaya. Vamwe vanhu vese vanokwira nokuburuka ndivowo vamwe vanhu vanosanganikwa navo munyaya painotanga kana painoperera asi vasina kubvira vamboenekwa pane dzimwe nzvimbo.
Chakandifadza musi uyu ndechekuti ndakasangana navakuru vairatidza kuti vainge vatozvinetera zvokunyora izvi asi mushure mekukurukura tose vakazoona kuti vane basa rekutaura runyaya rwavo. Mumwe wevafundisi ndiye akazonditi, ‘nyaya yamataura yakanaka asi munofanirawo kuenda kunze kunze kwemadhorobha uko mundotora nyaya dziri ikoko dzakakosha dzinotaura zveumunhu hwedu savanhu vemuZimbabwe.’
Mukutaura kwaVaEdwin Msipa, vanoti mukotoro inotevera chirongwa chekukurudzira kuvenga ichi chichaitwa musi wa10Mbudzi paHopley Primary. Vane tarisiro yokuti kuuyewewo vanyori vane mukurumbira kuzoverengera nyaya kuvana vepachikoro apa pamwe navabereki vavo. 

Comments

Popular Posts