SISTAX OPEN MIC kudzoka

Musi weMugovera ndakahwa shoko rokuhi SISTAZ open mic yadzoka ndikatomboseka zvangu ndichiti vairevesa here? Ndakati chiregai ndindoona ndimene kwete kuita zvenezve, asi zvemeso. Ndakasvikavo zvekanguva ndokunonga mifananidzo iri pasi apo. Ndakashaya zviso zvizhinji nemazwi mazhinji aisiwanikwa paSISTAZ ichifaya zvokufaya zviya. Ndakazongoti zvichida kamwana kachangomuka muhope regai tikape mukana wekunyatsobengenuka. Kana vanhu vachidzoka kumutsiridza dongo zvinotora mwoyo murefu kumutsa matenga anga adyiwa nemujuru nehuswa hwakapfurunyurwa nemombe mumakore ezhara varidzi vasipo.

Iyi ndiyo mifanikiso yandakaona apo vanakomana navanasikana vainge vachibatsirana kutsvaira chivanze kuti SISTAZ imukezve kubva muhope dzayo dzemwedzi yakati kuti.
Tendai Maduwa achikwezvwa nenduri. Mufananidzo naTinashe Muchuri.
Red Rough Ryder achitengesa zvake madhikauzi ake pamutambo weSISTAZ OPEN MIC. Mufananidzo naTinashe Muchuri, muHarare, 2015.

Vechidiki vaiva vauya kuSISTAZ OPEN MIC kuti vazotorawo zvavanogona kuenda nazvo kunguva inouya vatana muhudavadi vazorora. Mufananidzo naTinashe Muchuri paPamberi Trust muHarare, 2015. 
Paul Makonese aka Wamambo vachinakigwa zvavo nenduri pamutambo weSISTAZ OPEN MIC. Mufananidzo naTinashe Muchuri paPamberi Trust muHarare, 2015.

Marlon Mancebo Achizipigwa nenduri. Mufananidzo naTinashe Muchuri, 2015
,


Comments

Popular Posts